Afira SIM card

12 Apr, 2023 - 19:04 0 Views
Afira SIM card Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuShurugwi anonzi akabaiwa nebanga ndokufa mushure mekunetsana nemumwewo murume apo akange abirwa SIM card nebhatiri zvenhare yake vachinwa doro mubhawa.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa2 Kubvumbi mubhuku raChironde, kudunhu raMambo Nhema.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Samson Mangezi (22) ainwa doro mubhawa reMangezi Bottle Store panzvimbo yemabhizimisi yeHwinya iri kuShurugwi apo akabvutirwa nhare yake nemumwe munhu waasina kuziva.

“Samson Mangezi aida kutenga doro mubhawa reMangezi apo mumwe murume akabvuta nhare kubva muhomwe dzake. Paakabvunza munhu uyu, uyo asina kuzivikanwa, akabva akanda nhare iyi pasi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mangezi anonzi akazonhonga nhare yake ndokuona kuti yaiva isisina SIM card nebhatiri achibva abvunza vanhu vaiva mubhawa umu achida kuziva munhu aiva ambotanga kutora nhare iyi.

“Mumwe murume anonzi Pilot Lunga aiva mubhawa iri akazoshatirwa ndokuenda kuna Mangezi achida kumurwisa. Mangezi achiona izvi, akatiza mubhawa umu ava kuenda kumba kwake achibva ateverwa naLunga akabata banga.

“Mutumbi waMangezi wakazowanikwa mumugwagwa nemukoma wake husiku hwakare pedyo nekamugwagwa kanobva kunzvimbo yemabhizimisi yeHwinya kachienda mumusha wekwaChironde,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuTongogara ndokutanga kuferefetwa.

“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa mapurisa vachitsvaga Pilot Lunga uyo akabva atiza paanonzi akapara mhosva yekuponda iyi. Tinokumbira kune vanoziva murume uyu kuti vabatsire mapurisa vakwanise kumusunga,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutora mitemo vachiisa muhomwe dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>