Uncategorized

Africa yotsvaga mushonga

12 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
Africa yotsvaga mushonga

Kwayedza

Wallace Ruzvidzo

MUZINDA weAfrican Union (AU) Centre for Disease Control and Prevention (CDC) uri kusimudzira chirongwa chekuti Africa ipindewo munyaya dzekutsvaga mushonga (vaccine) unodzivirira vanhu kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19.

Pamusoro pezvo, AU inoti kupinda kuri kuitwa neAfrica muchirongwa ichi idanho guru zvichitevera kunyuka kechipiri kuri kuita Covid-19 pasi rose.

Nekuda kwaizvozvo, zvakakosha kuti Africa ishande nesimba mukutsvaga mushonga wekudzivirira chirwere ichi.

Kana hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda reCovid-19 hukaramba huchipararira, bhengi guru repasi rose reWorld Bank rinoti upfumi hwenyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa huchadzikira nechikamu chiri pakati pe2,1 ne5,1 muna 2020 uye zvichikonzera zvakare kuti pasave nebudiriro inobatika kwemakore 25 anotevera.

Nyanzvi dzinoti mamiriro ezvinhu aya anoratidza kukosha kwakaita kuti nyika dzemuAfrica dzibatane mukutsvagwa kwemushonga unodzivirira Covid-19 uye nekuzogoverwa kwawo.

“Africa ine nhoroondo yakakura munyaya dzekutsvagwa kwemishonga inodzivirira zvirwere. Zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukutsvaga Covid-19 vaccine uye kuti patange paitwa ongororo yemashandiro emushonga uyu kuvanhu,” inodaro AU CDC muchinyora.

“. . . kutsigirwa kwedanho iri uye kuzivikanwa kwemashandiro emushonga uyu muAfrica kuburikidza nekusimbisa chirongwa ichi nekubvisa zvimhingamupinyi.

“Kusimbaradzwa kwechirongwa ichi uye nekuona kuti ongororo yekushanda kwemushonga uyu ndeye mhando yepamusoro zvichienderanawo nemichina yechizvino-zvino pamwe chete nekuona kuti pave nemitemo maringe nemushonga uyu, kugoverwa kwawo pamwe nekuzoshandiswa.”

CDC inoti kunyangwe zvazvo paine tarisiro yekuwanikwa kwemushonga unodzivirira Covid-19 muAfrica, kusvika muna Nyamavhuvhu nyika nhatu chete ndidzo dzange dzave kugadzira pamwe chete nekutengesa mushonga wemhando iyi asi zvichiitwa mukati menyika idzi chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>