Uncategorized

Ahwinha mibairo inodarika 100. . . ZVANGU HANDI ZVEJUJU

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Ahwinha mibairo inodarika 100. . . ZVANGU HANDI ZVEJUJU Cliffton Mandla akabata Led TV iyo akahwinha gore rino mumakwikwi eChoppies: Big Birthday Promotion.

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuChinhoyi aita chazezesa munyaya dzemakwikwi akasiyana sezvo kubva mugore ra2014 kusvika pari zvino achiti ahwinha mibairo inopfuura 100.

Izvi zviri kuita kuti veruzhinji munzvimbo iyi vave nefungidziro huru yekuti Cliffton Mandla anoshandisa mushonga mukuhwinha kwaari kuita.

Gore rino, Mandla akatohwina kare – $5 000 pamwe chete neterevhizheni yemhando yeLed TV – mumakwikwi eChoppies: Big Birthday Promotion.

Muna2018, murume uyu akahwina mumakwikwi mashanu akasiyana anosangansira TM Bargain Bonanza apo akaenda kumba ne$10 000.

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanofunga kuti Mandla ari kushandisa mushonga chete zvisinei nekuti murume uyu ari kuramba kuti anosevenzesa juju kuti ahwinhe mumakwikwi aanopinda.

“Veduwe, tose tinonamata asi zvaMandla zvakanyanya. Munhu mumwe chete ongoramba achihwina here? Hakuna zvakadaro!” anodaro Patricia Muchero uyo anogara muChinhoyi.

Mashoko ake anotsigirwa naLameck Chokutenga achiti, “Haiwaba, zvaMandla hazvinzwisisike, hazvina kunyatsojeka. Kuhwinha kwake kwakanyanya.”

Vamwewo ndevanoti Mandla anohwinha nekuda kwekuti anotora marisiti anoraswa nevanhu vanenge vatenga zvinhu, saka anoisa mapepa akawanda izvo zvinozoita kuti ahwine panoitwa makwikwi.

“Hapana chinoshamisira paya, munhu anohwina. Mandla anotora kana kunhonga marisiti evanhu vanenge vatenga zvinhu zvavo, saka zvinongoreva kuti anopinda kakawanda mumakwikwi. Akangwara, haashandise mushonga,” anodaro Ruvimbo Shato.

Mandla anoramba zvachose kuti anosevenzesa mushonga kana kunhonga marisiti anoraswa nevamwe vatengi pakuhwina kwaanoita mumakwikwi akasiyana.

“Hapana mushonga apa, ini pari zvino ndahwina mibairo inotopfuura 100, kungoti mimwe yacho ndaikanganwa. Chinoitika ndechekuti ndinotamba njuga dzangu zvakangwara. Dai iri mishonga handiti n’anga yacho ingadai yaitotambawo njuga iyo here?” anodaro.

Anoenderera mberi achinyemwerera: “Mugore ra2017, ndakahwina mibairo mishanu yakaitwa nemakambani mana. Madison yakandihwinisa full set gas stove ye2 plates, kuDelta-Chibuku ndakahwinha $1 000 pamwe chete ne2 stage table, ndikahwinhazve firiji kwaTM. Mumakwikwi eNestle ndakahwina $500.

“Hapana mushonga apa, asi kuti ndinotamba nemwoyo wangu wose.”

Anoti akatanga kuhwinha mugore ra2014 apo akawana mibairo kubva kuCoca-Cola inosanganisira nharembozha dzechizvino-zvino (smart phones) pamwe chete nezvinwiwa.

“Mugore ra2015 ndakanga ndichiri kuvhunduka kana ndahwina. Ndini ndakambotora mubairo kuMachions waisananganisira vhocha re$50. Gore rimwe chete iroro ndakahwinha kuDelta zvakare pamakwikwi eLargers-Zambezi Promotion mibairo yaisanganisira zvigaro zvihombe zvekushandisa kana munhu ari parwendo (travelling chairs), hwahwa hwakawandisa nemaT-shirts. KuBakers Inn ndakahwinhawo maT-shirts,” anodaro.

Gore rimwe chete iri, Mandla anoti akahwinawo wairesi nezvimwe zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>