Uncategorized

AKABUDA MUKANWA MEGARWE

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
AKABUDA MUKANWA MEGARWE

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI anogara mumusha weUshewekunze, kuHarare South, anoti akapona nepaburi retsono apo akarwisana negarwe kwenguva ingangokwana awa rose — iye ndozokusara arumwa-rumwa makumbo, magadziko nesikarudzi.

Molly Kalumo (33) anoti akarwisana negarwe kwemaminitsi angangosvika 45 nguva pfupi yadarika apo chikara ichi chakamubata achiyambuka rwizi Hunyani paaibva kunotsvaga huni.

Kalumo akasara ava nemaronda ekurumwa nemazizino egarwe mumakumbo, kumagadziko nedzimwe nhengo dzemuviri ayo asati apora.

“Waiva musi weChitatu 24 Kubvumbi apo ndaibva kunotema huni kumhiri kwerwizi Hunyani. Tave kudzoka, ndipo pandakasangana netsekwende iyi. Ndaiva naMiriam Chifamba uyo watinonamata naye kuJohanne Masowe pamwe chete nemwanasikana wangu, Audrey Rwodzi (13),” anodaro Kalumo.

Anoti Chifamba ndiye akatanga kuyambuka rwizi ndokumuudza kuti ainge aona chinhu chakaita semunhu chiri mumvura asi chichibva changotsakatika pakarepo.

“Pandakati ndiyambukewo, ndaitaura naChifamba apo aiti ainge adonhedza danda rake rehuni mumvura. Pakarepo, ndakaona chinhu chaiita sehuni chichibva chandiruma gumbo rekurudyi.

“Ndakaona riri garwe hombe rakazara mumvura. Rakandizvuvira pasi pemvura richindirovera pamatombo zvikaita kuti ndisvuuke nekuita maronda. Kurwisana kwangu negarwe kwakatora maminitsi angaite 45 uye raiita zvemunhanya neni ndiri pasi pemvura ndichitoona mahapa.

“Kwadarika chinguva, garwe iri rakadzoka neni rikandirasira panzvimbo yarainge rambonditora. Rakasiya rapfachura mvura yakawanda mudenga ichiita sedenderedzwa panzvimbo iyoyo apo painge zvino pava nevanhurume vaidawo kuyambuka rwizi urwu,” anodaro.

Kalumo anoti panguva yaakange ari kuzvuviwa nepasi pemvura, aichema zvikuru apo chikara ichi chaiwedzera kuny’udza mazino acho pachidya nekumagadziko ake zvichibatanidzira nepasikarudzi.

“Pandakarasirwa kunze kwemvura, ndakangoona mwana wangu akabata musoro achiridza mhere naChifamba achinamata.”

Kalumo anoti akazosimuka ave kusesedzwa kuti aendwe naye kumba apo ropa raingojuja kubuda pamaronda ekurumwa.

“Chakandishamisa ndechekuti kunyangwe zvazvo garwe iri rakandidhonzera pasi pemvura, parakazondisiya nguwo yangu bedzi ndiyo yainge

yakatota asi dhuku nechipika zvainge zvakaoma,” anodaro.

“Tasvika pamba, Chifamba — uyo watinoti Madzimai Miriam — akandiyeresa neminamato. Akazokumbira vamwe baba vane motokari kuti vatiendese kwachiremba kuSouthlea Park asi chiremba wacho akati aida RTGS$170 iyo takanga tisina.

“Akazondibaya majekiseni nekuisa mabhandeji uye akandikurudzira kuti ndiende kuchipatara sezvo aiti mazino egarwe ane uturu,” anodaro.

Chifamba anoti zvakamutyisa kuona mumwe wake achitorwa negarwe zuva rakacheka nyika, pashure rikazomudzosa.

“Ndakashamisika zvikuru kuona amai Vinny (Kalumo) vachienda nemvura. Pakutanga ndakafunga kuti injuzu sezvo vakambenge vati vainge vaona munhu mumvura asi asingaonekwi kumakumbo kwake. Ndakatozoziva kuti igarwe apo rakavadzosa. Rainge rakareba mamita anokwana matatu kana kudarika,” anodaro.

Zvichitevera njodzi iyi, anodaro Chifamba, havachashandise nzira yepadziva apa.

“Gore rapera mumwedzi waKubvumbi zvakare, pane mumwe mwana wechikoro anonzi akatorwa nenjuzu padziva iri achibva azoonekwa mushure memazuva akatofa,” anodaro Chifamba.

Audrey anotiwo achine kutya kukuru nechiitiko ichi asi anotenda Mwari kuti amai vake havana kuzouraiwa negarwe.

Mukushi wemashoko kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks), VaTinashe Farawo, vanoyambira veruzhinji kuti vasatambira panzvimbo dzine mvura senzira yekudzivirira tsaona dzakaita sekubatwa nemakarwe.

“Hatisati tatambira mashoko pamusoro penyaya yemunhu akarumwa negarwe kuSouthlea Park. Nyaya iyi haina kumhan’arwa asi tinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutambira panzizi nemadhamu sezvo paine mikana yekusangana nezvikara zvakadai.

“Tichatumira vashandi vedu kuti vaende kunaHunyani vonoita ongororo yemakarwe ari kutaurwa aya uye kana achinge awanikwa arimo, achaendeswa kunzvimbo dzakakodzera uye kure nevanhu,” vanodaro.

Aka hakasi kekutanga vanhu vachirumwa nemakarwe muHarare sezvo gore rapera mumwedzi waKurume, mumwe mudzimai wekuBudiriro, Tsitsi Jambaya, akarumwa negarwe akafa achiedza kuyambuya rukova rweko.

VaFarwo vanotsinhira nezvechiitiko ichi vachiti mudzimai uyu akange aine muvakidzani wake apo akabatwa negarwe vachienda kuhuni munharaunda.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare nhengo yesangano reZinatha, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti garwe rinotevera munhu rinenge riri rekutumwa nevavengi.

“Kutumwa, ndinoreva kutumwa nevakaipa. Kuchizoti munhu anorumwa achiregedzwa negarwe anotyisa zvikuru, kana kuri kumamisha kunyangwe madzimambo vanomuombera nekumuremekedza nekuti anenge ane zviri paari,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links