Uncategorized

Akadambura munhu musoro

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Akadambura munhu musoro Asst Insp Masikati

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wekuMuzarabani, kuMashonaland Central — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuponda imwe harahwa yemumusha mavo, ndokuidambura musoro uyo akazorasa mushure mekunge ambofamba nawo kwechinhambwe.

Tyson Lice (21), wemubhuku rekwaKandivi,  ari kupomerwa kuponda VaMichael Kapfume avo vanga vava nemakore 79 ekuberekwa.

Lice anonzi munguva pfupi yakadarika akaenda kumba kweharahwa iyi munguva dzemanheru, ndokutanga kunetsana nemwanakomana wavo, Pleasure Kapfume (39).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya yakanetserana vaviri ava haina kuzivikanwa uye bongozozo iri rakazodzimurwa, Lice ndokuenda kumba kwake.

“Tyson Lice anonzi akazodzoka kumba kwemhuri iyi mambakwedza, ndokunanga kumba kwaMichael Kapfume uko akasvikopopota nemashoko ezvinyadzi achiti aiva akatsamwa zvikuru aine demo iro akatanga kutema-tema naro ngoro yaiva pachivanze uye achiti aida kuuraya munhu,” vanodaro Asst Insp Masikati.

VaMichael Kapfume nemudzimai wavo – Stella Rabson (61) – vanonzi vakanzwa ruzha urwu ndokubuda panze.

Lice anonzi akazoswedera kwaive naRabson apo mudzimai uyu akazotizira pamusha wevavakidzani vavo.

“Mudzimai uyu akatizira pamusha waVaIgnatius Kademaunga (38) akasiya murume wake mumashure apo anonzi akazosara achitemwa naLice ndokubva angofira panzvimbo.

‘‘Lice anonzi akatema-tema musoro achibva audambura ndokuutakura achisiya mutumbi apo akafamba nawo kwemamita anodarika 200 ndokunoukanda pasi achibva aenda,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, ndokutanga kuferefetwa apo pakazowanikwa demo, musoro wemunhu zvose nemutumbi wacho.

Mutumbi nemusoro wacho zvakazoendeswa kuchipatara cheSt Alberts Mission Hospital kunoongororwa nemachiremba.

“Murume uyu akasungwa nemapurisa edu eZRP apo ari kubatsirana navo mukuferefetwa kwenyaya iyi achimirira kuenda kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Asst Insp Masikati vanoti vanhu vanogara nevarwere vepfungwa vanofanira kuvangwarira kuburikidza nekuona kuti vanwa mishonga yavo kuitira kuti hurwere hwavo hudzikame.

“Murume uyu vanomuziva kuti murwere wepfungwa, dai vakaramba vari mumba zvavo iye achingopopota pangadai pasina kuitika tsaona iyi. Vanogara nevarwere vepfungwa tinovakurudzira kuti vapote vachiita kuti vanwe mapiritsi avo nguva nenguva kuti vadzikame,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>