Uncategorized

Akafa achidya nhunzi…‘Ndini ndakamuroya’

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Akafa achidya nhunzi…‘Ndini ndakamuroya’ Sekuru Kafela

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemubhuku raRubatika, kwaSeke, ari kunzi akafa achidya nhunzi sezvinoita garwe mushure mekunge aba zvinhu zvainge zvakagadzirwa nemishonga yerukwa pamumwe musha uri mubhuku iri.

Zvinonzi murume uyu — Leonard Rugodo — akaba zvinhu zvaisanganisira bhara nemuchina wekuweredha pamusha paMudzengerere uri maRubatika.

Pamusha wakabiwa zvinhu uyu panonzi pakange pagadzirwa neimwe n’anga zvikaita kuti Rugodo atange kurwara.

Kwayedza ine tsamba iri kunzi yakanyorwa nehama dzemushakabvu vachibvuma kuti akaba mushure mekunge vaenda kun’anga yakapinga musha wekubiwa uyu vachida kuti hama yavo iroyonorwe.

Tsamba iyi inoti, “Nhasi tauya kwaSekuru Kafela kuti Leonard Rugodo apore akanga aba kumba kwaMudzengerere kuDema mubhuku rekwaRubatika. Leonard Rugodo akaba welding machine, maangle grinders 3, wheelburrow 1, gas tank 9kg, drill, angle cutting machine 3, gazebo 1.”

VaDereck Rubatika (48), avo vakataura vakamirira Sabhuku Rubatika, vanotsinhira kuti nyaya iyi yakaitka mumusha mavo.

“Kuno tanetswa nevanhu vari kuba mudzimba, zvikuru munguva ino yekurwisana nedenda reCovid-19 apo vanhu vaomerwa neupenyu. Ichokwadi kuti akafa agadzirwa, haana kuda kukumbira ruregerero nekukasika kusvikira ava kudya nhunzi sezviya zvinoitwa negarwe. Aipinduka achimboita sekamba kana datya panguva imwechete,” vanodaro VaDereck Rubatika.

VaMasimba Rubatika (53), avo vaimbova kanzura wenzvimbo iyi uye vari sachigaro wesangano reSeke Community Business Development Association, vanoti havanzwe tsitsi munyaya iyi ndokuyambira vanhu kuti vasiyane nekuba.

“Nyaya iyi yakasvitswa kwatiri sevaridzi vemusha wekwaRubatika kuchinzi murume uyu ava kurwara mushure mekugadzirwa nen’anga,” vanodaro VaMasimba Rubatika.

Muhurukuro neKwayedza, Sekuru Amos Kafela (70) — avo vanonzi ndivo vakaisa mishonga yekupinga zvinhu zvakabiwa naRugodo — vanotsinhira kuti imhiko dzavo dzakabata tsotsi iri kuzosvika pakufa.

“Chokwadi hachiputsi hukama, ini ndinouraya vanoba. Izvozvi ndine mutumbi wemunhu akavigwa masvondo maviri akadarika aba zvinhu zvevanhu. Handina mhosva kunaMwari nekuti kubira vanhu kwavanoita kutourayawo vanhu saka better mbavha dzife vanhu vasare vagarike,” inodaro n’anga iyi.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mishonga yekugadzira mbavha nemakororo yakagara iriko kubvira pasi chigare uye hapana chakaipa pakuishandisa.

“Mishonga yekupinga mbavha kana dzaba iyi yakanaka zvikuru uye haina kumboipa nekuti makororo ari kunetsa zvikuru panguva ino apo tiri kurwisana neCovid-19,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>