Uncategorized

Akafa aputirwa nemoto waakavamba

26 Oct, 2021 - 12:10 0 Views
Akafa aputirwa nemoto waakavamba Insp Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, anonzi akafa mushure mukupiswa nemoto wesora uyo akatanga oga apo aipisa mashanga mumunda achigadzirira mwaka wekurima.

Mai Juliet Bhoma (59) vanonzi vaiva pamba pavo vachipisa mashanga mumunda vachigadzirira mwaka weZhizha apo moto uyu wakazopararira uchibva wavapisa kusvikira vafa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu iri, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi.

“Moto uyu wakazobvira uchienda kwakasiyana mudzimai uyu ndokuedza kuudzimura uchibva wamuputira ndokumupisa kusvikira afa. Muroora wavo uyo aibva kunyaradzo, Muchaneta Kaneta (38), ndiye akasvikoona mapazi emasanzu nemigomo yemvura zvairatidza kuti vaishandisa mukuedza kudzima moto uyu, pamberi pacho ndokuzoona mutumbi wemudzimai uyu wakatsva,” vanodaro Insp Mundembe.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eChombira apo mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheConcession kunoongororwa.

Insp Mundembe vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzire hwaro hunoganhura moto (fire guard) hwakakomberedza misha yavo, minda nemapindu kuitira kuti tsaona dzemoto dziite shoma.

“Nguva ino yatiri inodaidzwa kuti ‘fire season’ patioona tsaona dzakawanda dzemoto. Tinoyambira kuti vanhu vasabatidze moto vasina kuita gadziriro dzizere. Nekuda kwezvirongwa zvekurima zvechizvino-zvino zvinosanganisa marimiro ePfumvudza, mashanga nehuswa zvinochengetedzwawo zvichiitwa manyowa,” vanodaro Insp Mundembe.

Share This:

Sponsored Links