Uncategorized

Akafa aroverwa sadza

12 Jan, 2022 - 14:01 0 Views
Akafa aroverwa sadza

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MURUME wekwaMakoni, kwaRusape akafa mushure mekurohwa neshamhu nemukadzi weko apo aimudzinga akadhakwa senzira yekuti asadye sadza rake.

Mollin Nyakudyara (32) wemubhuku raNyamukamani akatosungwa uye akamiswa pamberi pedare nemhosva yekuponda.
Zvisinei, zita remufi harina kuburitswa mudare panguva yaitongwa nyaya iyi.

Nyakudyara, uyo ainge asina kumiririrwa mudare negweta, akamiswa pamberi pamutongi VaGift Manyika avo vakamuti adzoke kudare nemusi wa14 Ndira apo anenge achitongwa achibva mutirongo.

Vakamuti akumbire bhera kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Mai Oripa Sagandira vakaudza dare kuti mufi uyu anonzi akaenda kumba kwaNyakudyara nemusi wa27 Zvita gore rapera achibva atanga kukumbira chikafu.

“Nemusi wa27 Zvita 2021, paVillage 2 kuNyamukamani, musungwa akanga ari pamba pake. Ave mufi uyu akabva asvika pamba apa kuma7pm achikumbira sadza. Akaudzwa kuti abve pamba apa asi akaramba, izvo zvakamutsa bongozozo apo Nyakudyara anonzi akatanga kumurova kumeso nemaoko uye padumbu zvikaita kuti akuvare.

“Akabva ashaya muzuva rakatevera uye shamhu shanu idzo anonzi akashandisa kumurova dzakawanikwa dziri pamba pemusungwa zvekare dzakaburitswa mudare seumboo,” vanodaro Mai Sagandira.

Share This:

Sponsored Links