Uncategorized

Akafira makotopeya

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Akafira makotopeya Tendai Mwanza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inosiririsa kwazvo, murume wekuMarondera uyo anga ava nemakore 55 ekuberekwa anonzi akadonha mumuti wemukotopeya umo aitemha muchero uyu ndokufa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezverufu rwaCephas Farai Kanyai wepanhamba 55 Mbuya Nehanda Street, kuCherutombo.

“Pane murume akadonha mumuti umo akanga ari kutemha makotopeya pamba pavo uye nyaya iyi yakaitika nemusi wa23 Chikumi. Kanyai anonzi akakundikana kubatirira mumuti umu zvakanaka izvo zvakaita kuti adonhe achibva akuvara mumusoro zvakanyanya. Akabva amhanyiswa kuchipatara cheMarondera Provincial Hospital uko akasvikoonekwa kuti ainge atoshaya,” vanodaro Insp Mwanza.

Tsaona iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) eko.

Insp Mwanza vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekungokwira mumiti kana kuenda panzvimbo dzine njodzi vachiti zvinopa mikana yekuti vakuvare kana kurasikirwa neupenyu.

“Kukwira mumuti itori njodzi nekuti pane mikana yekudonha munhu okuvara kana kurasikirwa neupenyu sezvakaitika apa uye zvinhu zvinorwadza zvikuru kuti upenyu hurasike nenzira yakadai,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links