Uncategorized

Akakanda kasvava mvura inofashaira

16 Apr, 2021 - 11:04 0 Views
Akakanda kasvava mvura inofashaira

Kwayedza

Thupeyo Muleya

NYAYA yemudzimai wemuZimbabwe, uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya mwana waakanga achangobva mukuzvara achiita zvekumuny’udza mumugomo wemarita 20 emvura inofashaira kuSouth Africa, ichaenderera mberi nekutongwa musi wa14 Chivabvu apo achamira pamberi peBrits Magistrates Court iri kuGauteng Province.

Wendy Tapiwa Chipo wekuRietfonten ari kutarisana nemhosva yehumhondi.
Mutauriri weNational Prosecuting Authority’s (NPA) kuNorth Gauteng, Muzvare Lumka Mahanjana, anoti mhosva iyi yakaparwa musi wa16 Kurume.
Anoti nyaya yekuzouraya mwana uyu inotevera kukundikana kwake kubvisa nhumbu yacho.

“Zvinonzi Chipo akamboedza kubvisa pamuviri asi akakundikana apo mwana uyu akabuda ari mupenyu achibva amukanda mumugomo wemarita 20 emvura yaifashaira,” anodaro Muzvare Mahanjana.

“Akazoisa mwana uyu mubepa repurasitiki achibatsirana neshamwari yake vachibva vanofushira mutumbi musango riri padyo.”
Muzvare Mahanjana anoti gure iri rakazofumuka nemusi wa17 Kurume apo shamwari yake – iyo akaenda nayo kunoviga mutumbi uyu – yakakundikana kubata hana ichibva yanomhan’ara kumapurisa.

Akabva atorana nemapurisa ndokuenda nawo kwavainge vanoviga mwana uyu mukaguva kasina kunyatsodzika uko vakanofukunura mutumbi wacho.

“Chipo akabva asungwa muzuva raitevera apo akanga ari kutsvagwa munzvimbo yePretoria,” vanodaro.
Gore rapera, mumwezve mudzimai wekuZimbabwe, uyo aive nemakore 42 ekuberekwa uye achirwara nepfungwa, akauraya mwanasikana wake ane makore matanhatu ekuberekwa kuKwazulu Natal.

Mugore ra2019, mudzimai ane makore 30 ekuberekwa wekuZimbabwe akasiiwa achirwadziwa zvikuru apo mwana waainge achangobva kuzvara akadonha akafa kuMamelodi Hospital kuchamhembe kwePretoria.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekunge vamwe varapi vepachipatara apa varamba kumubatsira kuti asununguke zvakanaka izvo zvakaita kuti apedzisire asununguka mwana wake akamira achibva adonhera pasi, ndokufa.

Theresa Ngwedu akaudza rimwe bepanhau rekuSouth Africa kuti akaendeswa kuchipatara panguva iyo akanga ava kuda kubara asi varapi vaivepo vakaramba kumusunungutsa vachiti ”nyika ino haisi Zimbabwe” izvo zvakaita kuti azvare mwana akamira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>