Uncategorized

Akamhanyisa amai vari musvo

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Akamhanyisa amai vari musvo

Kwayedza

Courtney Munodawafa
VANHU vaive mudare redzimhosva vakasara vasina neremuromo apo mumwe mukomana akati mukoma wake akambodzingirira amai vavo vari musvo mushure mekunge vanetsana.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil apo Chamunorwa Makaza akamhan’arira munin’ina wake Jonah Makaza.

Chamunorwa anoti Jonah anogara achimutuka nekumurova.

“Anogara achindituka, Saturday yapfura akandirova pamberi pemukadzi wangu,” anodaro Chamunorwa.

Achipawo divi rake, Jonah anoti mukoma wake ndiye ari kutomushungurudza.

“Ini handina kurova kana kutuka mukoma, kubvira pavakadzoka kumba ndivo vanotonetsa. Isu takawirirana nanasekuru kuti tichaisa maroja kumba uye muzukuru ari kuSouth ndiye anozoisa zvinhu zvake kumba,” anodaro.

Jonah anoti Chamunorwa haafanire kusvika pamba apa nekuti amai vavo vachiri vapenyu vakambomutorera gwaro rerunyararo uye akambovamhanyisa vari musvo.“Mukoma ndiye aisafanira kusvika kumba, akange akatorerwa gwaro rorunyararo naamai nekuti akambovamhanyisa vasina kupfeka achida kuvarova tikatozomubata,” anodaro.

Zvisinei, anoti haana chaanokwanisa kutaura pamusoro penyaya yemba iyi nekuti iye mwana wemunin’ina waamai vaChamunorwa saka haatonge imba isiri yevabereki vake.

“Handina chandingataura pamusana pemba nekuti ini ndiri munin’ina wekwamainini, handisi mwana wamai vake chaiye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chamunorwa gwaro redziviriro asi ndokuti Jonah ane mvumo yekusvika pamba apa.

Share This:

Sponsored Links