Uncategorized

Akanoredza hove ndokusadzoka

22 Mar, 2022 - 12:03 0 Views
Akanoredza hove ndokusadzoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands vari kutsvaga VaEdward Reginald Mcculloch (72) vanobva mubhuku raMberikwazvo, kwaMarungwa avo vanonzi vakangoshaikwa vaenda kunoredza hove nemusi wa13 Kukadzi gore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu akagumisira kuonekwa akapfeka chikabudura chejean, t-shirt ine nemitsetse yegrey nemapatapata.

“Murume uyu akabva pamba achienda kunoredza hove kurwizi rwaMavhaire uko asina kuzodzoka. Tiri kukumbira kune vane ruzivo nezvemurume uyu kuti varidze nhare panhamba dzinoti 0776 071 930, 0774 543 696 ne0773 757 344. Vanogona zvakare kutaurira mapurisa ari pedyo navo kana kushandisa masuggestion boxes emapurisa akatekeshera nenyika,” vanodaro Insp Mahoko.

Kunze kwenhare idzi, vanhu vanogonawo kushandisa nhamba dzinoti 0712 800 197 kana 0778 069 322.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>