Akaponderwa kuchengera muzukuru

08 Jan, 2024 - 11:01 0 Views
Akaponderwa kuchengera muzukuru Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Chireya, kuGokwe anonzi akabaiwa nebanga ndokufa nemukomana waakange abvunza kuti sei aive aperekedza muzukurusikana wake kumba munguva dzemanheru.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa1 Ndira nenguva dza7:30 manheru kwaSabhuku Matekenya kudunhu raMambo Chireya, kuGokwe.

Vanoti Learnmore Chagadama (27) akabaiwa nabanga Tafara Chikava (27) achibva afa.

Chikava anonzi akaperekedza Moreblessing Tafuruka (19) kumba kwavo uye pakudzoka akazomiswa naChagadama achimubvunza kuti sei aiva aperekedza muzukurusikana wake uyu panguva dzakadai idzi.

“Vaviri ava vakatanga kunetsana Chagadama achibva akwatura shamhu pamuti wemupani ndokutanga kurova nayo Chikava zvakasimba muviri wese. Nekuda kwekurwadziwa, Chikava akazoburitsa banga rerudzi rweOkapi iro aiva naro muhomwe yake yetarauzi achibva abaya naro kamwe chete Chagadama pachipfuva achibva apunzikira pasi achichema,” vanodaro Insp Mahoko.

Tatenda Tobias Makochekanwa aiva pamwe chete naChagadama akazoedza kudzivirira vaviri ava achibvawo abaiwa nebanga kaviri kumusana.

“Chikava akabva azotiza mushure mekubaya vaviri ava nabanga. Learnmore Chagadama akabva afa asati akwaniswa kutakurwa kuendeswa kuchipatara, Makochekanwa akazotakurwa kuendeswa kunorapwa kuchipatara cheGokwe North Hospital ukowo kwakazoendeswa mutumbi uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Insp Mahoko vanokumbira kuruzhinji vanoziva kuna Chikava kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti asungwe nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda nekuedza kuponda.

“Vane zvavanoziva munyaya iyi ngavazivise mapurisa ari padyo navo kuti murume uyu asungwe akwaniswe kuendeswa kumatare edzimhosva agopihwa mutongo wake,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>