Uncategorized

Akapotsa afira huku yaakatema

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Akapotsa afira huku yaakatema

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuNyamakate, kuKaroi, akasungwa nemapurisa eko achipomerwa mhosva yekurova mumwe mugari weko zvekumuita kafiramberi padare rasabhuku mushure mekunge vapopotedzana nenyaya yehuku iyo ainge atema nedombo ichibva yatyoka gumbo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa8 Ndira apo Pattison Mubaiwa (27) anonzi akatema nedombo huku yaElisha Sabau (31) ikatyoka gumbo zvikaita kuti vapopotedzane.

“Nyaya iyi yakazoendeswa kuna sabhuku wenzvimbo iyi VaLeeroy Muzarira avo vakazoshevedza vaviri ava kuti vavayananise. Padare rasabhuku iri, Pattison Mubaiwa anonzi akazotuka Elisha Sabau nezvinyadzi zvaamai vake izvo zvakamugumbura.

“Nekuda kwekushatirwa, Elisha Sabau anonzi akazotora bonza iro akarova naro Mubaiwa uyo akazokuvara zvikuru ndokuzoendeswa kuchipatara cheKaroi uko ari kurapwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Sabau akasungwa nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuponda munhu nekurova zvakaipisisa uko anonzi akaita Mubaiwa.

“Nguva dzose tinokurudzira kuti vanhu vatsvage vayananisi sezvavakanga vaita izvi zvisinei kuti vose havana kuzoremekedza mukuru aivagadzirisa. Tinotiwo vanhu ngavasatora mitemo vachiuisa muhomwe dzavo, vanopara mhosva vosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mune imwewo nyaya, mapurisa ari kuferefeta kupondwa kwemurume wekudunhu raMambo Mate, kuGuyu, kuMatabeleland South.

Winani Muguni (19) aibva mubhuku raMamisisi anonzi akafa mushure mekunge arohwa naObediangwa Dube (43).

“Vaviri ava vainwa doro pamwe chete naBhekimpi Ndlovu (41) vari panzvimbo yemabhizimisi yeTalale apo Winani Muguni aiva adhakwa uye anonzi akazoenda ndokunorova nebhutsu chikari chedoro chaBhekimpi Ndlovu chichibva charasika,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Dube anonzi akazodzoka achiti sei Muguni akanga arasa doro reshamwari yake apo akatanga kumukava nebhutsu muviri wose.

“Winani Muguni akazotakurwa kuendeswa kuchipatara uko akasvika achifa nemusi wa11 Ndira apo mapurisa edu akazosunga vaviri ava vari kupomerwa kuponda,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekunwa doro vachiraradza izvo vanoti kutyora mitemo yelockdown munguva ino yekurwisana Covid-19.

“Tine curfew yekuti vanhu vanofanirwa kunge vave kudzimba kutanga nenguva dza6 zuva rodoka kusvika na6 rechimangwana racho uyewo vasina matsamba ekufambisa havabvumidzwe kufamba, ngavagare kudzimba.

“Mabhawa haasi kubvumidzwa kuvhurwa sezvatiri kuona zvichiitika,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links