Uncategorized

Akarwisana neshumba ikamusiya

05 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Akarwisana neshumba ikamusiya Bratt Same Chingwe achiratidza mavanga emaronda ekurumwa neshumba. — Mifananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA wekuChitungwiza anoti akapona nepaburi retsono nguva yadarika apo akarwiswa nemukono weshumba achinhonga donje mumunda kuChipinge, ndokusiya yamukuvadza zvakaipisisa.

Bratt Same Chingwe (20) uyo ari kuita Fomu 4 paRimbi Secondary School, kuChipinge anoti akapotsa asiya nyemba zvichitevera kurwisana kwaakaita nechikara ichi munaChivabvu wegore rino.

Anoti njodzi iyi akasangana nayo apo zvikoro zvakange zvavharwa nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chingwe anobva kumusha kwavo kwaSabhuku Varretta, kuNyagadzi, kuMacheke asi mazuva echikoro anenge achigara kumba kwamaiguru vake, mukoma waamai, uko akasangana netsekwende iyi.

“Ndakatouya kuno kuChitungwiza kwaambuya vangu uko ndiri kugara kuti ndimbosununguka nekuda kwetsaona yekurwiswa neshumba iyo yandakasangana nayo. Ndanga ndichiitiswa zvidzidzo nemudzidzisi akazvimirira kuno kuChitungwiza sezvo ndichinyora bvunzo gore rino,” anodaro Chingwe.

Mary Matekenya

Anoti nemusi wa12 Chivabvu vakabva kumba kwavo mangwanani ndokuenda kumunda uko vainonhonga donje nemuzukuru wake, Muzi Chikowo.

Chingwe anoti apo vaishanda vakataramukana, kwakazoerekana kwasvika shumba mbiri hono nehadzi dzaibva nekumasango anochengetwa mhuka eSave Conservancy.

“Muzukuru wangu aiva chinhambwe chingaita mamita matanhatu kubva pandiri, shumba mbiri idzi dzakabuda nekwaiva nemuzukuru wangu apo akatanga kumhanya achitizira kwandaiva achibva asvikondibata nekumusana achichema,” anodaro Chingwe.

Anoti imwe yeshumba idzi yakazouya nekumberi kwake ichibva yamusvetukira yakaisa makumbo ekumberi pachipfuva pake nepamafudzi apo akaibata makumbo akatarisana nayo apo yakamushamira zvekuda kumuruma.

“Ndakaivhara kuti isakwanise kundiruma kudaro ndakaibata makumbo ose ekumberi yakanditswinya nenzara dzayo pamhuno nemuromo zvikapotsa zvadaburwa. Ndakashinga kudaro, yakazonditswinya nzeve ikabvaruka, ipapo yakazondisimudza ndokundikanda pasi chinhambwe chingaite mita ndokunditevera. Yakabva yandiruma muzvidya nemutsapfu, ini ndichingova pasi,” anodaro Chingwe.

Anoti panguva yaairwisana neshumba hono iyi, hadzi yacho yaive yakatarisa.

Nzeve yakadamburwa

“Shumba hono iyi yakazorega kundiruma apo hadzi yakafamba zvishoma ndokunditarisa ndirere dzichibva dzazoenda dzose. Panguva iyi, muzukuru wangu akanga atiza amira nechekure.

“Ndakazomanikidzira kufamba nemuzukuru wangu ndokuenda kumba. Ndakazotakurwa ndabatwa nechiveve ndokuendeswa kuchipatara cheSt Petros uko ndakanorapwa, ndikagarako kwemazuva matatu.” 

Mushure mezvo, anoti akazenge ava kupota achienda kukiriniki yeRimbi kwaainogezwa maronda aya nekurapwa kusvikira apora.

“Pakurapwa uku, ndakasonwa muromo uyewo nzeve yakadamburwa yekuruboshwe haina kusonwa. Sezvamunoona ndine mavanga ekurumwa neshumba anokwana mashanu kumakumbo ose.

“Harisi simba rangu rakaita kuti ndirwisane neshumba iyi kusvikira yandisiya asi kuti ndiMwari. Kune vamwe vanonditi ndakabikwa nemishonga, hamheno handizivewo,” anodaro.

Chingwe anoti mavanga aanawo anomborwadza zvikuru kana ari mangwanani nehusiku uye kana kuine makore.

“Marwadzo aya anonditadzisa kuverenga zvichaita kuti ndikundikane pabvunzo dzangu dzeFomu 4 dzegore rinouya. Ndaikumbira kubatsirwa nemari nezvimwe. Kune vanoda kundibatsira vanondibata panhamba dzinoti 0777 788 590 kana kundiwana panhamba 9722 Unit H, kuChitungwiza,” anodaro Chingwe.

Ambuya vemukomana uyu, Mai Mary Matekenya (45), vanoti vakazongonzwa yave nyaya apo vakaridzirwa nhare naMai Easther Mazoyo vaigara naye vachiti arumwa neshumba.

VaFarawo

“Izvozvi ndiri kugara naye pano pamba pangu kuti muviri wake uite zvakanaka agodzokera kuchikoro kuMt Selinda. Anochema nemaronda ake anonzi anoda kuti agare achinwa mapiritsi nekutariswa nemachiremba,” vanodaro Mai Matekenya.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks), VaTinashe Farawo vanoti dunhu reChipinge rinozikanwa nenyaya dzekurwiswa kwevanhu nemhuka dzemusango.

“Tine nzvimbo inogara mhuka yeSave Conservancy uko vanhu vakawanda vanogara vachikuvadzwa nemhuka dzesango. Ikurudziro yedu kuti vanhu vasarwise mhuka dzesangano asi kuti kana vadziona vokurumidza kutizivisa kana mapurisa ari pedyo navo,” vanodaro VaFarawo.

Mbuya Alice Kwenda Masoko (63) vekuLochnvar, muguta reHarare vanoti mukomana akarumwa akasiiwa neshumba uyu ane shavi kana kuti mudzimu mukuru uri paari.

“Pane zvinhu zviviri, mukomana uyu anogona kunge ane mudzimu unoda kusvika paari, shavi guru kana kuti akatemerwa mushonga weshumba ari mudiki. Ndizvo zvinoita mashavi kana mudzimu, unochengeta munhu,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>