Uncategorized

Akatyora mukadzi mbabvu

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUKADZI wekuMabelreign, muHarare, akachema-chema mudare achiti anoda kuripwa zvirwere zvepabonde izvo akazadzwa nemurume wake pamwe nembabvu yake yaanoti akatyorwa achirohwa.

Mwatita Zulu akamhan’arira Johanese Mudzingwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Kubva muna2016 ndaingorohwa zvekutoti ndaishaya kuti ndinoroverwei. Ndakazobatwawo mukugara tose nemurume uyu nezvirwere zvepabonde ndokumubvunza kuti zvakabvepi sezvo ini ndichingoziva iye chete semurume wangu. Ndipo patakazotaurirana tikanoona chiremba izvo zvakaita kuti tizopihwe mapiritsi asi zvangu zvirwere zvakanonoka kupera,” anodaro.

Zulu anotiwo murume wake akamutyora mbabvu apo aimurova, nekudaro anoda kuti amuripe.

“Ndairema 78 kgs asi iko zvino ndave kurema 50 kgs. Baba ava vaindirova chaizvo asi semunhu mukuru, hapana wandaitaurira. Akazosvika panguva yaakandirova ndokunditsika-tsika nebhutsu ndikatyoka mbabvu.

“Izvi handina kuzviziva panguva iyoyo asi ndainge ndotadza kusimuka kana kumira zvakanaka. Pari zvino chandinoda kudare igwaro redziviriro uye kuripwawo mbabvu yangu yaakandityora nezvirwere zvepabonde zvaakandipa,” anodaro Zulu.

Anoti murume wake aimbove nemumwe mukadzi asi akaenda nenyaya yekushungurudzwa.

“Aive nemudzimai mumwe wandaitotaura naye achitonditi

garai navo baba ava nenyaya yekushungurudza kwavo. Ndinongochemera mbabvu yangu.”

Achipawo divi rake, Mudzingwa anoti haapokane nechimbiro chemudzimai wake chekuti apihwe gwaro redziviriro.

“Panyaya yembabvu, handina kumutyora ini asi kuti akamhanyira oga kumberi kwebhasikoro ndokukuvara mbabvu,” anodaro.

Anoti haakwanise kuripa mudzimai wake mbabvu yaanonzi akamutyora.

“Handikwanise kuripa mbabvu yavo sezvo ini ndisina kuvakanda bhutsu, vakakuvara nebhasikoro. Handisisinei navo, ndokusaka ndakatobva kumba kwavo. Handichatosvike kumba kwavo, chero ndikavawana vaine mumwe munhu handinei navo,” anodaro Mudzingwa.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zulu gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>