Uncategorized

Akavigwa husiku . . . ‘Mutumbi ngaufukunurwe’

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Akavigwa husiku . . .  ‘Mutumbi ngaufukunurwe’ GEORGE KANDIERO

Kwayedza

Liberty Dube naLuthando Mapepa
MUDZIMAI wekuChipinge ari kudya marasha achida kuti mutumbi wemwanasikana wake — uyo unonzi wakavigwa husiku masvondo matatu adarika nenzira isinganzwisisike — ufukunurwe zvichitevera kusawirirana kuripo nevakuwasha vake.

Mai Susan Antonio vemubhuku raHanyani, kwaMambo Mutema, vanoti mwanasikana wavo Talent Sigauke (21), akafira kuSouth Africa mwedzi wadarika.

Mutumbi wake unonzi wakazovigwa nechimbi-chimbi pachipihwa zvikonzero zvine chekuita nekutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 apo amai vemushakabvu vakange vasipo.

Pari zvino Mai Antonio vari kufambira kumahofisi eHurumende nechinangwa chekuti mutumbi wemwanasikana wavo ufukunurwe vagonyatsoziva kuti sei wakavigwa ivo vasipo.

Vane fungidziro huru yekuti mwana wavo – uyo ange akaroorwa naVaMoses Mtisi – anogona kunge akapondwa kuSouth Africa.

VaMtisi vanonzi vakauya kuzoviga mudzimai wavo ndokubva vadzokera kuSouth Africa.

“Ndichiri kuzama kugamuchira zvakaitika kumwana wangu. Musi waazovigwa ini ndakange ndiri pamba pangu apo ndakanzwa vanhu vaichema pamusha paMtisi. Handina kuziva kuti vaitochema mwana wangu.

“Ndakazoshamisika zvikuru apo imwe shamwari yangu yakauya kuzondibata maoko, ndipo pandakazoziva kuti mwanasikana wangu akange ashaya.

“Nguva yakazotevera, vakuwasha vangu vakazouya kuzondiudza nezverufu rwaTalent. Vakandiudza kuti mutumbi wake wakange watakurwa kubviwa nawo kuSouth Africa. Ndakavaudza kuti vaende kumba kwababa vake sezvo takaparadzana makore adarika,” vanodaro amai ava.

Mai Antonio vanoti vakuwasha vavo vakazodzoka zvakare vave nevamwe vanhu vavaiti mapurisa ndokuvamanikidza kuti vaende kurufu rwemwana wavo.

“Izvi ndizvo zvakaita kuti ini nehama dzangu tipedzisire taenda kurufu urwu. Zvisinei, pakazoita kusanzwisisana apo mhuri yekwaMtisi yainzi yaifanirwa kutanga yabvisa mari yeroora Talent asati avigwa.

“Pakazomuka kurwisana ndokubva tatiza. Mushure mekunge tatiza, mhuri yekwaMtisi yakapfuurira mberi nekuviga Talent nenguva dzekuma8 husiku. Hapana kana hama yangu yakange iripo kuti ione mutumbi wake. Handitoziva kana mutumbi wavakaviga uri wemwana wangu,” vanodaro vachitaridza kushushikana zvikuru.

Mai Antonio vanoenderera mberi: “Handizi kuzozorora kusvikira zvakaitika kumwana wangu zvabuda pachena.”

Muhurukuro, kanzura weWard 6 kuChipinge Rural District, VaPhenios Muzamana, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mutumbi wemudzimai uyu wakavigwa husiku zvichitevera kusanzwisisana pakati pemhuri mbiri idzi. Tinokurudzira mapurisa kuti vaferefete nyaya iyi. Hazvitenderwe pachivanhu chedu kuviga munhu husiku,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha).

“Pachivanhu chedu, munhu haavigwe husiku. Kunyangwe nyaya dzine chekuita neCovid-19 hadzimanikidzire kuti munhu avigwe husiku.

“Kuvigwa kwakaitwa mutumbi uyu husiku kunoratidza kusamira zvakanaka kwezvinhu. Kufukunurwa kwemutumbi uyu nekuferefetwa kwenyaya iyi kunoita kuti mhuri yemushakabvu izive chaizvo zvakaitika. Vakuwasha vanofanirwa kubvuma zviri kudiwa,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vabereki vemudzimai uyu vane mvumo yekuvepo pakavigwa kwemwana wavo. Vaifanirwa kupihwa nguva yekuita chivanhu chavo.”

Sabhuku Hanyani wemunzvimbo iyi vanoti Sigauke akavigwa nechimbi-chimbi zvichienderana nemitemo inofanirwa kutevedzwa mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Zvichitevera musangano wakaitwa pakati pekambani inomirira makambani ose anoviga vafi, yeZimbabwe Association of Funeral Assurers nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mumwedzi waKubvumbi, pakawiriranwa kuti vanhu vose vanenge vafa vanofanirwa kuvigwa mukati memaawa 24 uye mitumbi yose ichitorwa seine Covid-19 kusara kweyeavo vanofa nekuda kwetsaona kana kuti vazviuraya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti sezvo Sigauke akafira kuSouth Africa, nyaya iyi inoda kutanga yaferefetwa kunyika iyi mapurisa emuno asati atanga kuita ongororo yavo.

“Hatizive kana nyaya iyi yakamhan’arwa seyekupondwa kwemunhu kuSouth Africa. Zvisinei, nyaya iyi inoda kutanga yaferefetwa ikoko tisati taona zvekuitwa nayo muZimbabwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>