Uncategorized

Akayamwiwa ropa afenda

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Akayamwiwa ropa afenda

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTASA

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nezveSatanism, murume wekwaMutasa, svondo rapera anonzi akapotsa asiya nyemba mushure mekunge vavakidzani vake vamutema-tema mumusoro nezibanga rinonzi machete ndokuzomuyamwa ropa rake apo ainge afenda.

Vongai Sarupinda (26) anonzi akaitwa kafiramberi naTafadzwa Makonde achibatsirana naambauya vake, Chipo Makonde, apo akazosiiwa akati rapata kurara padivi pemugwagwa.

Akazobatsirwa nevanhu vaidarika nemumugwagwa uyu apo akaendeswa kuchipatara cheOld Mutare Mission Hospital uko akazodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital.

Vongai akakuvara mushure mekutemwa-temwa nezibanga uye anoratidza kuti akarumwa-rumwa kumeso kwake.
Paakashanyirwa neKwayedza pachipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, Vongai aitambudzika kusvinura nekutaura nekuda kwemarwadzo.

“Vaida kundiuraya. Vakayamwa ropa rangu. Mudzimai wechikuru uyu akandibata apo Takafadzwa akanditema kanokwana kashanu nezibanga mumusoro.

“Ndakatadza kuziva zvandaive panguva iyi uye ndainzwa vachindiruma nekuyamwa ropa kumeso kwangu. Ndakafunga kuti ndichafa,” anodaro Vongai.

Anoenderera mberi achiti, “Pandakazobengenuka, ndakanzwa kumeso kwangu kuchirema. Ndiri kurwadziwa zvikuru.”

Anoti asati asangana netsekwende iyi, akambonetsana naTafadzwa uyo akamuvimbisa kuti aizoona zvekuita naye.

Babamukuru vaTafadzwa, Never Makonde, anoti aka hakasi kekutanga Tafadzwa achiruma nekunwa ropa revanhu.

“Pose Tafadzwa paanorwa nemumwe munhu, anotomuruma kumeso. Vanhu vakawanda iye zvino vane fungidziro huru yekuti anoita zveSatanisim.

“Hazvisi nyore kuyamwa ropa remumwe munhu, asi Tafadzwa anozviita. Pane kugunun’una kwakanyaya nekuda kwemaitiro ake aya asi nguva dzose anongotiza saizvozvi,” anodaro Never.

Amai vaVongai, Patience Sarupinda, vanoti mwana wavo aigona kunge akatofa.

“Kudai pasina vanhu vaidarika nemumugwagwa, tingadai tichitaura dzimwe nyaya. Vaida kuti afe sezvo vakanwa nekunakirwa neropa rake. Iyi inyaya yeSatanism iri pachena uye vanhu vanofanira kungwarira zvikuru vaviri ava,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTafadzwa pamwe chete naambuya vake sezvo nhare dzavo dzaisabatika.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa asi vaviri ava havasati vasungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>