Uncategorized

Amai vakanwisa mwana muchetura

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Amai vakanwisa mwana muchetura Insp Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wechidiki wekuMarondera ari kurapwa muchipatara cheMahusekwa akachengetedzwa nemapurisa zvichitevera kunwa kwaakaita muchetura wemakonzo nemwana wake asi iye ndokurarama, mwana ndokufa.Sharon Mandere (26) anogara mubhuku raMunhenga, kwaMambo Samuriwo, anonzi akanwa muchetura ndokuzonwisawo mwana wake Leah Tamutswa Sangulukani uyo anga ava negore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mangwanani emusi wa1 Ndira gore rino, pane mudzimai anonzi Perfomance Muchenje (25) uyo aiva akarara naMandere apo akamuudza kuti ainge anwa mushonga wemakonzo pamwe chete nemwana wake.

“Sharon anonzi akaudza Perfomance kuti akanwa mapiritsi maviri ekuuraya makonzo ndokuzopawo mwana wake senzira yekuti vose vafe. Zvakadaro, Perfomance akazozivisa Frank Mandere, anova baba VaSharon,” vanodaro Insp Mwanza.

VaMandere vanonzi vakazotakura Sharon nemwana wake kuvaendesa kuchipatara cheMahusekwa uko mwana akasvika achifa.

Panguva yakadhindwa bepanhau rino, mukadzi uyu anonzi ainge achiri muchipatara asi upenyu hwake huri parumananzombe.

Mudzimai uyu anonzi akanga aomerwa neupenyu vose nemwana apo akasiyana nemurume wake nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa.  Mutumbi wemwana uyu unonzi wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMarondera General Hospital.

Insp Mwanza vanoti kunyangwe vanhu vakarambana vaine mhuri, hazvikodzere kuti vasvike pakutora upenyu hwavo sedanho rakafungwa nemudzimai uyu.

“Munhu unogona kurambwa nemurume kana mukadzi onotanga upenyu hutsva kutodarika zvawaiita kare nekuti hakusi kuguma kweupenyu. Kana vanhu vasvikirwa nenguva yakaoma kudai, ngavatsvage vabatsiri nevapi vemazano pane kuzviuraya. Amai ava vakatarisana nekuzopinda mudare vopihwa mutongo wavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links