Uncategorized

ANE JUJU YEKUKECHA VARUME

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
ANE JUJU YEKUKECHA VARUME Sithokozile Nkomo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI akaroorwa wekwaNjelele, kuGokwe, anoti ane mushonga wedumwa unomuita kuti adanane nekushereketa nemurume wose waanenge achiva — village rose — uye kana zvake zvakakwidza, anoparika varume vaviri vaviri pasina anoti bufu.

Nguva yapera, mukadzi uyu aigara nevarume vake vaviri pamusha mumwe chete pasina aisimudza musoro.

Sithokozile Nkomo (46), uyo anova mudzimai waBlessed Bhebhe (47) – anonzi ari kushandisa dumwa iri kudanana nemurume wose waanenge achiva – akaroora kana asina.

Nyaya yezvinoitwa nemukadzi uyu yakatopinda mudare raMambo Njelele.

Mudare iri, zvakabuda kuti mumwe wevarume vaiparikwa nemukadzi uyu vachigara vose mubhuku rekwaTizora, kwaJahana, akatofa nekuzvisungirira mushure mekunge atadza kurambana naSithokozile.

Murume waSitholozile, Bhebhe, pari zvino ari kuyuwira nemazizamu ayo anomurwadza achingojuja mukaka — izvo zvaanoti “akasotwa” nemudzimai wake.

Sabhuku Tizora, VaJames Tizora (44, vanotsinhira nyaya yekuti Sithokozile anonzi anoshandisa dumwa kukwezva varume.

Sabhuku Tizora

“Uyu mudzimai wemunhu, akaroorwa zvatinoziva kuti murume wake ndiBlessed Bhebhe. Asi nekuda kwemushonga waamai ava, kune mumwe murume waakadanana naye vakatenge vava kugara vari varume vaviri pamudzimai mumwe chete.

“Muridzi wemudzimai uyu, Bhebhe, anonziwo akadyiswa mushonga wemupetabere kana kuti muvatavata wekuti asasimudze musoro,” vanodaro sabhuku ava.

Sabhuku Tizora vanoti Sithokozile akadanana nemurume ainzi Ephraim Manduna (48) uyo akatenge apata musha wake achinogara nemudzimai uyu vari pamwe chete naBhebhe.

Manduna anonzi akatenge atiza mudzimai wake, Siphilisiwe Ncube (42), zvose nemhuri ndokunogara pamusha paBhebhe apo vaiparikwa naSithokozile.

“Mudzimai waEphraim Manduna, Siphilisiwe Ncube, ndiye anonzi akatanga kunokwira kudare kwaMambo Njelele kuti agadziriswe nyaya yekuti atorerwa murume wake naSithokozile izvo zvakamupa kutiza musha vachinogara vose vari varume vaviri pamukadzi mumwe chete.

“Ini sasabhuku, nyaya iyi yasvitswa kwandiri uye ndisati ndaiendesa kwaMambo Njelele, ndakataura Manduna akanditi haachagona kuramba Sithokozile uyezve achiti amai ava ndivo vakatsvaga rudo kwaari, kwete iye.

“Manduna akanditi aiti akangoronga zvekuramba amai ava chete, aimera makwati anenge egarwe kana kuti ekamba kunhengo yake yesikarudzi izvo zvaipera bedzi kana pfungwa idzi dzabva maari,” vanodaro.

Blessed Bhebhe

Sabhuku Tizora vanoti muchakabvu uyu akavaratidza makwati ayo aimera kusikarudzi yake asati azviuraya.

“Nyaya iyi yakatanga kuendeswa kudare raMambo Njelele murume uyu akanokumbira kuti aida kubatsirwa kuti akwanise kurambana naSithokozile apo pakazoshevedzwa n’anga nemaporofita. Sithokozile akadurirwa kuti ane mushonga wedumwa unoita kuti adanane nevarume vose vaanoda.”

Sabhuku Tizora vanotizve Manduna akazozvisungirira apo dare raMambo Njelele raimuti aifanirwa kusiyana nemudzimai uyu uye akazviuraya zuva raaifanirwa kudzokera kudare iri kechipiri kuti nyaya iyi inogadziriswa.

Nekune rimwe divi, mishonga yemipfuhwira inonzi yakashandisirwa Bhebhe nemudzimai wake kuti aite fuzanana iri kunzi ndiyo yamuita kuti amere mitumba yemazamu.

“Blessed anoramba nyaya yekuti akamereswa mazamu nemudzimai wake kuburikidza nemupfuhwira achiti akazomera mazamu apo akatanga kunwa mapiritsi echirwere chekuzvimba makumbo, cheElephantisis,” vanodaro Sabhuku Tizora.

Bhebhe naManduna vanonzi vaigara sevarume vemudzimai mumwe chete apo Bhebhe aitorwa sababamukuru Manduna vachipanana majana pabonde.

“Manduna akatuta mbatya dzake kubva kumba kwake achisiya mudzimai nevana ndokunogara kumba kwaBhebhe naSithokozile uye akazofa achidzisiya dziriko. Ange akatorima zvirimwa izvo zvakamirira kuti zvikohwewe zvozoendeswa kumudzimai wake,” vanodaro Sabhuku Tizora.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSithokozile pamwe naBhebhe nezvenyaya ino.

Asi Mambo Njelele vanotsinhira nyaya iyi vachiti mukadzi uyu aiparika varume vaviri uye anodanana nevamwe varume nekuda kwedumwa raanaro.

“Siphilisiwe Ncube anoti kumba kwake naManduna kwanga kusisina rudo kasna rugare nekuda kwaSithokozile,” vanodaro.

“Nyaya iyi ichadzoka mudare kuti tizoipedzisa nekuti imwe mhuri haisisina mubereki nekuda kwaamai ava. Kune vamwe varume vatinotyira kuti vachawira mutsekwende imwe chete iyi.

“Zvisinei, Bhebhe anoti anoda mukadzi wake zvakadaro, zvisinei nekuti akamugadzira,” vanodaro.

Vanoti mushonga unoshandiswa nemudzimai uyu wakangofanana nemubobobo.

Mambo Njelele vanoti vakashevedza vabereki vaSithokozile kuti vazovapowo pachapedziswa nyaya iyi mudare ravo.

Share This:

Sponsored Links