Uncategorized

Ane mweya mitatu . . .

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ane mweya mitatu . . . Njuzu

Kwayedza

Njuzu

Njuzu

Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri
MUKADZI wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, anoti anoshandira varapwa vake kuburikidza nemweya mitatu – ngirozi yechiporofita, mudzimu pamwe neshave renjuzu – izvo anodaidza kuti “Triangle”.

Mai Chipfukwa Musonjoma (47), vepanhamba 2149 Chiratidzo Road, vanoti basa rekurapa inhaka yavakasiirwa naambuya vavo.

“Ndakazvarirwa kuMalawi uye zita rangu randakapihwa rakange riri rambuya vangu, amai vababa, Chipfukwa Musonjoma. Ndivo vari kubuda pandiri. Zita iri inhaka yemusiidzanwa nekuda kwekuti ambuya vangu ava vairapa, zvinova zvandave nhasi.

“Ndakatanga ndarwara zvisinganzwisisike uye zuva iroro ndakazoita kurotswa ndichinzi enda kwambuya vanonzi Chivange, kuChiredzi, ndichivaona chiso chavo nezvevakanga vakapfeka nenhamba dzepamba pavo,” vakadaro Mai Musonjoma.

“Ndisati ndaenda kwambuya Chivanga, ndaienda kuchechi yeNew Anointing Ministries zvekuti ndaitonamatira vanhu vachipora asi vekuchechi vaiti madhimoni kana shave.

“Ndarota kudaro, ndakaenda kuChiredzi ndikanovaona Mbuya Chivange vakandisimbisa ngirozi, njuzu nemudzimu zvandinazvo.”

Vanoti pakubatsira varwere apa vanoshandisa mazita akasiyana sekuti kana riri shave renjuzu vanenge vachinzi Kimberly, pakushandisa ngirozi vachinzi Madzimai Rose uye kana vave kuita zvemudzimu vonzi Musonjoma.

“Ndakazoenda kunogeza mudziva guru rinonzi Mhlabezi, kuGwanda, kunova ndiko kwakanosimbiswa shavi rangu renjuzu. Kana ndiri muno muChitungwiza ndinoenda kurwizi rwaHunyani,” vakadaro Mai Musonjoma.

Vakaenderera mberi: “Mudzimu wangu ndewe chiMalawi. Kana ndichinge ndabatwa neshave renjuzu, Kimberly, ndinenge ndichitaura nechiRungu bedzi nekuti Kimberly muRungu anobuda pandiri. Ini pachangu chiRungu handichigoni.” Vanoti vanoenda kunyika dzakaita seSouth Africa vachinorapa varwere.

“Kana ndichiti Triangle, ndinoreva kuti ndinoshandisa ngirozi, njuzu nemudzimu zvinobatsirana nekuti kune vamwe vanouya vachiti havabate mishonga saka ndinovabatsira nengirozi inonzi Madzimai Rose, vamwe vanoda zvemishonga yechivanhu ndinovashandira nemudzimu koti vamwe vanoda zvakachena, zvisina matombo kana mishonga, ndinovabatsira naKimberly.

“Kana ndichibatsira vanoda kusimbiswa mashave enjuzu ndinopfeka zvichena nekuti njuzu inoda zvakachena chete,” vakadaro Mai Musonjoma.

Vakaenderera mberi vachiti pagore roga-roga vanoenda kudziva riri kurwizi Hunyani uko vanonosimbisa shave ravo renjuzu.

“Shave rangu renjuzu rinosimbiswa muna Hunyani. Kare ndaiti ndichida kuyambuka rwizi urwu ndaiona pakayanikwa micheka ine mavara akasiyana asi pasina zvitema. Ndaitanga kudedera asi paizoita zimhepo machira aye ongoshaika. Chinoshamisa ndechekuti ndini ndoga ndaizviona apo ndainge ndiine vamwe tichida kuyambuka rwizi urwu.

“Tinoitawo bira renjuzu kubako renjuzu kuWaterfalls (muHarare) nekuGwanda apo tinokoka vose vanoda kuuya, kunyanya avo vatinorapa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>