Ane nharo ngaauye: Khan

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

AMIR Khan anoti hapana chinhu chinomutadzisa kurwa naManny Pacquiao pamwe naKell Brook futi mumwedzi 12 inotevera.

Khan akakwanisa kuzvidzora mumutambo wake naSamuel Vargas wekuColombia svondo radarika ndokuhwina pazvibodzwa, uye mutambo uchangopera Eddie Hearn anove puromota waBrook pamwe naKhan akataura kuti mutambo wevaviri ava unofanirwa kuitika izvezvi kana kuti hauchaitike zvachose.

Khan akaudza PA Sport kuti: “Ndine makore 31, ndichiri mudiki saka nguva ichiripo yekuti mitambo yese miviri iitike. Sei usiri kuitika? Ndinofunga kuti yese miviri mugore rimwe chete inotambika ikabudirira.

“Pacquiao ndiye wandiri kunyanyoda nekuti mukuru pasi rese munyaya dzetsiva uye zita rake rine mukurumbira. Saka kurwa nemunhu akaita saye chiremerera chikuru.

“Mutambo usingazivikanwe kuti unofamba sei uye vanhu vachafunga kuti ndinogona kukundwa naye, asi ndinoziva kuti ndinogona kumushamisa.

“Mutambo waKell Brook, mutambo wandinoziva kuti ndinogona kuhwina zvangu ndakasununguka, ndicho chokwadi. Asi inyaya yekuti pakugadzira zita rangu ndina mazita andinoda kunzi ndinzi ndakakunda. Asi ndingade chaizvo Manny Pacquiao pana Kell Brook. Zita rake iguru chaizvo uye aya ndiwo maonero angu.”

Apo mutambo wake naBrook unenge ndiwo uri kudiwa nevatsigiri vetsiva kuBritain, Khan anofunga kuti anogona kukurudzira Pacquiao kuti auye kuzorwa kunyika iyi asi hunge kana vakamupa zvaanenge achida kuti asimuke.

Akapedza makore matanhatu achishanda nemuFilipino uyu vachirairidzwa vese tsiva naFreddie Roach uye anoti kumuziva kwaanoita —  sezvo vaimborwa mitambo yehushamwari —  zvinomubatsira zvikuru. — SportsMail boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>