Uncategorized

Anodanana na‘bhoki’

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Anodanana na‘bhoki’ Munyaradzi Kunaka

Kwayedza

‘. . . ndinotoda kudzikinurwa’

Kingstone Mapupu
MURUME tsvimborume uyo anogara mumusha weManyame Park, kuSt Mary’s, kuChitungwiza, anoti zvaari kuita zvekudanana nembwa — “Bhoki” chaiyo — zvava kutoda dzikinuro sezvo iye zviri kumukunda.

Murume uyu anonzi nevagari veko aita mbiri isina kunaka sezvo achinzi anotora imbwa dzevaridzi — hadzi kana hono — achinozvivharira nadzo mumba make umo anodziita zvinorova.

Munyaradzi Giant Kunaka (32) —uyo anoti haana kumbobvira akaroora — ndiye ari kupomerwa kushereketa nembwa.

Iye anoudza Kwayedza kuti ava kutodawo rubatsiro, kudzikinurwa chaiko, kuti katsika aka kabune maari.

Muchinda uyu anozivikanwa munzvimbo iyi nekukanya zvidhinha achitengesa uye anonzi chidhakwa chemakoko.

Pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza mazuva mashoma adarika, Kunaka akabvuma nyaya iyi mushure mekumbotanga achiti anovengwa nevanhu.

“Uku kuvengwa nevanhu, inini kudanana nembwa here? Ndine vanhu vandinofungira kuti ndivo vakuudzai nyaya iyi, vavengi vangu ivavo,” anodaro.

Pava paye, Kunaka anozoenderera mberi: “Asi hangu ndinokumbira kubatsirwa . . . kuti munditsvagirewo n’anga kana maporofita vandibatsirewo panyaya yekushinha nembwa iyi nekuti uyu munyama chaiwo. Ndinotoda kudzikinurwa kuti zvipere.”

Kunaka anoti mweya yetsvina ndiyo inomuita kuti ashinhe nembwa.

“Ndinoda kubatsirwa kuti zvakadai zvipere, mweya yetsvina yemadzinza inondidariso. Chokwadi zvamauya imi zvatondinakira. Ndinotoda kubatsirwa nekuti nyaya iyi inogona kuita kuti ndigume ndapondwa neveruzhinji,” anodaro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tarirai Dube, vanoti vanoda nguva yekutsvaga zvizere maererano nenyaya iyi.

Kunaka anokanyira zvidhinha panzvimbo yemabhizimisi yeManyame Park Complex uye anonzi akawanikidzwa kane chitsama achiita mushereketero uyu.

Anonzizve akatomboendeswa kumapurisa eko akanoyambirwa nekutsiurwa.

VaChristopher Ariverino (54), avo vanogara munaZvichanaka, kuSt Mary’s, mumwe wevanhu vanoti imbwa yavo Forget yakakanganiswa naKunaka.

“Handina chekuvanza pamusoro pezvinoitwa naMunyaradzi . . . ane katsika kakaipa zvikuru. Anotozivikanwa nekutora imbwa achinoshereketa nadzo mumba make. Hatizive kuti kwake kushaya vasikana here kana kuti ane shavi rinomudariso. Zvino achapedzisira abhinya vana kana vakadzi vakuru,” vanodaro.

VaAriverino vanofungira kuti Kunaka ane shavi rakaipa sezvo vachiti akangoshevedza imbwa, kunyangwe inoruma zvakadii, inomutevera.

“Muno anotonzi murume wembwa.”

Mai Euvon Tambu (36) vekuSt Mary’s kwakare vanoti yavo imbwa yakatorwa naKunaka akanoivharira mumba make kudzimara vazonoinunura.

“Yedu akaiba kaviri. Taishaya kwemazuva maviri, takazoudzwa kuti ndiye anayo ndokutevera tikanowana akaivharira mumba. Takanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuSt Marys,” vanodaro.

Munyaradzi Tambu (19) anotiwo Kunaka akambotora imbwa yake akazotomuwanikidza akaivharira mumba.

“Ipapo akanditaurira kuti imbwa iyi inotoda iye kudarika ini nekuti iye anoiitira zvainoda,” anodaro.

Sahwira waKunaka — John Tasukwa (31) — anoti nyaya yekuti shamwari yake ine tsika yakashata iyi anoinzwa.

“Shamwari yangu anonetsa kutaura naye nekuda kwekugara achirwa nevanhu, kunyanya kana adhakwa. Ndinozvinzwa kuti anotora imbwa dzevanhu,” anodaro.

“Pane vanhu vane chitsama vanonzi vakashaya imbwa dzavo ndokuzodziwana dzakavharirana mumba naMunyaradzi.

‘‘Kurudzirio yangu kwaari ndeyekuti imbwa hadzisi dzekushinha nadzo sahwira wangu, dzinotichengetera misha nemidziyo yedu kubva kumatsotsi. Vakadzi vakawandisa munyika muno, ngaaroore agare nemudzimai wake — kana vaviri chaivo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>