Uncategorized

‘Anointing oil’ yakonzeresa

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUMWE muporofita wechechi iri kuHighfield, muHarare, ari kupomerwa kudanana nevakadzi vevanhu pamwe nekutora mari nechikuruku kuvatendi izvo zvinonzi zvaita kuti vanamati vakawanda vamutize.Muporofita Joshua Sebastian Godobo (27), uyo anotungamirira chechi yeSungano yeVatumwa, anonzi zvakare ari kumanikidza vatendi vemuchechi yake kutenga “anointing oil” ne”anointed water” (mvura kana mafuta akazodzwa) izvo anoti akabva nazvo kune rimwe gomo riri kuBotswana.

Godobo anonziwo anoshandisa mamonya mukudzivirira maporofita vanenge vachida kufumura chokwadi maererano nezviri kuitika mukereke iri.

Pamusoro pezvo, ari kupomerwa kuti ane katsika kekukumbira mari kuvatendi pamwe nekubvunza mari yezvipo pambozhanhare.

Muporofita Elisha Vengai Kembo (37), uyo aimbopinda chechi iyi, anoti dambudziko guru rakaunzwa nekushandiswa pamwe nekutengeswa kwe”anointing oil” ne”anointed water”.

“Isu kugara kwese taishandisa mbiya nematombo pakurapa ne)kubatsira vanhu zvisina kana mubhadharo. Asi Joshua akazobva pane izvi ava kutora chipositori kuda kuchifananidza nemachechi ariko mazuva ano. “Anointing oil ndiyo yakaunza mutauro nekuti pava nekubhadhariswa kwevanhu uye hatizivi kuti yakabva kupi. Anonzi akanotsvaga mushonga kuBotswana kwaakatinyepera kuti kune gomo raakaiwana rinonzi Ebenezzeer,” akadaro Kembo.

Asi Godobo anoti haasi kuzodzokera shure nenyaya yekutengesa anointing oil sezvo zviri izvo zvavako mazuva ano uye akazvipihwa pamweya.

Anotiwo anoshamisika kuti vamwe vaainamata navo vakanga vachiri kuda kuita zvechikare achiti hapana chakaipa kuti vanamatire mushedhi kana kushandisa mvura kana mafuta aya.

“Kungoti ndakashaiwa zvidhinha, ndaida kuvaka iri temberi yezvidhinha chaiyo. Izvo zviri kutaurwa zvekuti ndinoshandisa mubobobo vanhu vanongotaura asi hazvisirizvo. Mafuta ndakamawana kupfurikidza nemweya mutsvene wakandituma kuti ndiende kugomo.

“Ndinoshandisa mafuta iwayo zvisina mushonga mukati asi ndakazonzwa vamwe vava kuti mafuta eshumba, vamwe vachiti ndiri kutora vakadzi vevanhu nawo asi ndinongoona vanhu vachiri kungoatenga. Zvekuti ndine vana vandakasiya kuBotswana manyepo asi kuti vanhu vakangotanga kufungidzira kuti ndaidanana nevanhukadzi vandaibatsira chete.

“Kana paine vari kuti ndiri kutsvaga mari nemafuta aya ivo ngavatsvagewo avo mafuta vonyeperawo vanhu sezvavari kutaura. Muporofita anonzi takazomutsvagira vanhu, takaita izvi kuti vamudzinge nekuti aida kuvhiringidza chechi uye Alista ndinofamba naye pese pandinenge ndiri kuti anyore zvinenge zvichiitika,” akadaro Godobo.

Kembo akaenderera mberi achiti Godobo ava kutora chechi sebhizimusi rake achitora mari dzevatendi pamadiro.

“Isu patakaona zvemafuta aya zvauya uye taona kuti vanhu vava kutorerwa mari, muchechi mapinda huwori, takabva tasuduruka tikati tombomira kunamata. Chakazotishamisa ndechekuti vanhu vazhinji vari kupihwa mafuta aya vari kuzouya kwatiri vachiti hazvina zvazviri kushanda, mvura yacho inenge yakangofanana nedzinobuda papombi.

“Joshua achititaurira paakabva kugomo iri, aiti harikwiriki asi chakazotishamisa ndechekuti aiti akabva nechigubhu chemarita 20 chakazara nemvura pamusoro pegomo iri iyo anoti akazouya nayo kuno kuti atengesere vanhu.

“Ava kushanda panyama zvekutsvaga mari kwete zvemweya. Taimbonamata tisina bvute (shedhi) asi paakauya nezveanointing oil yake ndipo paakati akaratidzwa pamweya kuti taifanira kuisa bvute patinonamatira izvo zvatanga tisingazivi pachipositori.

“Musi wacho paakazvitaura pachita chevanhu zvekuisa bvute akati, ‘muri kuona mai vatsvuku vari apo avo, havakodzeri kuti vanamatire pazuva vanodawo bvute’,” akadaro.

Madzimai Deborah Mavhisa (46), vanoti vakanga vaoneswa pfumvu naGodobo achikwereta mari asi asingaidzose.

“Chakazopedzisira chaita kuti ndibude muchechi muporofita vanga vava kunyanya kukumbira mari pafoni vasingadzosi. Zvinhu zvaizonetsa kuti ndirambe ndichibvunza mukuru wechechi mari uye nyaya yekuzobvunzwa nekurangaridzwa zvegumi pafoni yakanga isingachanakidzi.

Vaiva vongonangana nevanhu vanoti wanei sezvo ini ndaimboita zvekubuda kunze kwenyika.

“Imwe nyaya yakazoita kuti tibude muchechi umu ndiyo yemafuta. Mamwe madzimai aimashandisa aizonzwa seari kushinhwa naye nevarume zvikazoita kuti titi wava mubobobo,” vakadaro Madzimai Deborah.

Mumwe wevaporofita vaishanda naGodobo, Tafadzwa Dambanevana (27), anoti anga asingachashandi pamweya uye aivenga maporofita vaimutaurira chokwadi izvo zvakazoita kuti atsvage mamonya.

“Hupombwe hwaakaita ndihwo hwakamubvisa pakushanda nemweya kusvika azofunga zvemafuta aya senzira yekutsvaga mari. Ikoko kuBotswana ndiko kwaakanga ava kusiya basa remweya.

“Mari yaakaraira ndiyo yakamufungisa zveanointing oil kuti arambe achibata mari. Chimwe chakandishamisa ndechekuti paakabva kuBotswana akati ndoda kuita mazuva 21 ndichirara pasowe asi tende yeshedhi yakabiwa manheru iye achiti airara imomo,” akadaro Dambanevana.

Simabarashe Ropi (28) akatsinhira achiti:

“Muporofita uyu ava kuda chirungu. Aiti anoda kuisa kapeti apo iye anenge achifamba achidzika mumota make semukuru wechechi.

“Zvanzi hatichadi kuita chipostori chekare chekuti vanhu munenge muchitambudzika iko kuine dzimwe nzira dzekuti chechi iratidzike zvakanaka.”

Godobo uyo akazoshanyira mahofisi eKwayedza svondo rapera aine rimwe re”mamonya” ake, Alista Kalumbe (44), akati hapana chakaipa nekushandiswa kweanointing oil nekuti vava kufambidzana nenguva izvo zvakatsinhirwa naKalumbe.

“Hakuna anokwanisa kupatsanura pakati pemafuta nemvura yekunyepera neyechokwadi. Vanhu vari kufamba vachitaura izvi vanoda kusvibisa zita rechechi neremutungamiriri.

“Kana nesuwo hatitozivi musiyano wazvo, hapana munhu anogona kumira nhasi agotiudza kuti mafuta aya ndeekunyepera aya ndeechokwadi. Vanoti ndeekunyepera havasi kuziva zvavanoita.

“Isu takasiyana nemamwe mapositori anoda kuita tutsika twekare twekunamata zvekutamburira.  Mamwe mapositori akasara kumashure isu yedu yakauyawo nemutowo mutsva weanointing oil neanointed water. Mukuru wechechi yedu akati ngatitsvage mari asi hatisi kubira vanhu, tiri kuvabatsira,” akadaro Kalumbe uyo anodaidzwa nezita rekuchechi rekuti Edifos.

Akaenderera mberi achiti zvekuva nemamonya muchechi hazvishamise nekuti mazuva ano vatungamiriri vemachechi akawanda vanofamba nevachengeti.

“Machechi mazhinji amazuvano vafundisi vavo vane mamonya saka yedu yazoshamisa nekuti ipositori here? Inini ndini ndinoona nezvekuti mukuru wedu achengetedzwa here ndiri ku’’security’’ uye ndiri munyori zvakare.

“Panyaya yekuti takatsvaga mamonya aida kurova mumwe muporofita hachisi chokwadi asi kuti ndakatora vanhu vemuchechi ndichida kudzinga muporofita watakanga tati hatichadi kunamata naye iye ndokuuya achida kuvhiringidza nyaya dzekutengesa kwatinoita anointing oil.

“Panyaya yeshedhi, vanhu hatinganamatiri pazuva nekuti tiri mapositori kana kunaiwa nemvura, ndosaka takazvivakira shedhi. Izvo zvekuti vanhu vari kuti mafuta haasi kushanda chinogona kuva chokwadi nekuti kushanda kwawo zvinobva pakutenda kwemunhu, haisi minana,” akadaro.

Akati Godobo haafaniri kushanda rimwe basa sezvo “zvinomubvisa pashoko raMwari nekudaro anofanira kurarama nezvinobva muhwayana dzake, chikafu, mari yerendi pamwe chete nemari yekushandisa zvinofanira kubva muzvipo zvevanhu.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>