Kwayedza
Amager Mufema
SAMUSHA vekupomerwa kushungurudza mudzimai wake, kusanganisira kumuruma kana zvamubata, akazomiswa mudare redzimhosva.Loraine Kazumba akamhan’arira murume wake, Daniel Muchenje, kuHarare Civil Court.
Akaudza dare iri kuti: “Ndauyawo kuno nekuti kutambudzwa kwacho kwandinoitwa nemurume wangu kwakanyanyisa. Anondirova zvekutoti kana vavakidzani vangu vanozviziva kuti ndinorohwa nemurume nguva nenguva.”
Kazumba akaenderera mberi achiti anotukwa semwana mudiki nemurume wake.
“Mambo wangu, ndinotukwa sekamwana kadiki zvekuti kana mukanzwa ndichitukwa munonzwa tsitsi. Haatombondiona semukadzi wake, asi sechimwe chinhu. Kana twakakwidza anondiruma futi. Zvino ndinokumbirawo kudzivirirwa,” akadaro Kazumba.
Muchenje haana kupokana nechikumbiro chemukadzi wake chekuti apihwe gwaro redziviriro.
“Ini handipokane nechikumbiro chemukadzi wangu, mupei zvenyu,” akadaro Muchenje.
Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Kazumbu gwaro redziviriro.