Uncategorized

Anonwisa zvikomba weti

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Anonwisa zvikomba weti TSITSI MAKUMBE

Kwayedza

— kudzivirira runyoka  — ‘Murume wangu anovaziva’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI akaroorwa wekwaMakumbe, kwaChinhamora, kuDomboshava ari kubuda pachena kuti ane zvikomba “jahwi” uye chimwe chacho pari zvino anonzi ari kutochinwisa weti yake senzira yekuchiroyonora mushonga werunyoka urwo anofungidzira kuti akaiswa nemurume wake.

ROBERT MACHEKERA

Pamusoro pazvo, chikomba ichi chinonzi chakanotemerwa nyora neimwe n’anga senzira yekurapa runyoka urwu.

Tsitsi Makumbe (28) mudzimai waRobert Machekera (35), avo vanogara mubhuku raZhanda uye vaine mwana mumwe chete uyo ane makore 15 okuberekwa.

Makumbe — uyo anoshanda basa remumba mumusha weGlen View 3, muguta reHarare — anoudza Kwayedza pasina kana kunyara nezvekuita kwake gumbo mumba gumbo kunze achiti ane zvikomba zvakawanda.

Machekera anogara kumusha uye anoti akazoziva kuti mudzimai wake ane zvikomba mushure mekubata mashoko avaitumirana munharembozha yake. Mamwe emashoko aya anoratidza kuti chimwe chezvikomba zvemudzimai wake chinonzi Collin Absolom chinoshanda kuLake Chivero.

Chikomba ichi ndicho chinonzi chiri kunwiswa weti yemudzimai uyu senzira yekuchirapa runyoka. Makumbe paakataurwa naye neKwayedza nezvenyaya yekuita zvikomba, akatotanga kuganza.

“(Machekera) anofunga kuti nyaya yake anoda kuigadzirisa kumapepanhau nhai? Haasisiri murume wangu, ndakamuramba mwedzi wakapera. Asi handisati ndamupa zvangu gupuro, ndichanomupa pandichaenda kunyaradzo yababamudiki vangu.

“Ari kutaura chikomba chipiko chaanoti akabatira mameseji? Ndine zvakawanda manje zvikomba zvacho. Kwaanotaura kwacho kuti ndiko kune waakabatira mashoko handiko, ndewe muno muHarare uyo,” anodaro achitopfida kuseka.

Obvunzwa nezvechikomba chake chinonzi chiri kurwara nerunyoka icho ari kunwisa weti, Makumbe anotsenga-tsenga mukanwa achiti mashoko aingotaura panharembozha nemumwewo murume waanodanana naye.

“Ndakamuramba uyo (Machekera), ipfambi. Ane magirlfriends akawanda plus aiba mari yangu mumba. Mufunge kunyenga munin’ina wangu chaiye kuda kutipesanisa. Zvakapera, ini ndave kudiwa moto nevamwe varume, iye ngaasiyane neni.

“Mwana wangu waanoti haasi wake ndakamutora ave kugara kumba kwedu. Ini manje handiroyiwe, kune varoyi vakawanda kumusha kwedu vakandimirira. Anotoroya ivo vamwe varume vandinodanana navo. Waanotaura uyu inga vanotaura vose, ngavabvunzane nyaya dzavo ndivo vanondida,” anodaro Makumbe.

Paiitwa hurukuro ino naMakumbe, mukadzi uyu haana kuziva kuti murume wake Machekera ainge agere zvake mumotokari yeKwayedza mushure mekunge azvipira kuperekedza vatori venhau kunoshanda mudzimai wake.

Makumbe anoenderera mberi: “Ngaafambe kudzin’anga kwake kana varoyana ndizvozvo, ini haandigone.”

Makumbe anoti akatoenda kumusha kwaMachekera akamuwana asiko ndokubva atakura mbatya.

“Munhu iyeyu akutumai ane mbatya dzangu dzaakaba dzinosanganisa mabhurugwa. Ngaaite zvaanoda, haandigone ngavapedzerane ivo vane rudo kwandiri,” anodaro.

Kwayedza ine mashoko anonzi aitumirana Makumbe nechimwe chezvikomba zvake. Mamwe emashoko ari munharembozha yemudzimai uyu anoti, “I luv you sweet, ndiri kurwara, baba vemwana pindurai.

‘‘Mwari vachaita kuda kwavo, kana ari iye akatanga kundiramba handife. Wakarakidza kundida wena pawakanwa weti yangu, muri sei dady?”

Chikomba ichi chinopindurawo mukati memamwe mashoko chichiti, “Zvakadzokera pakare pandakanwa weti yako paye.”

Mamwe emashoko ari munharembozha yaMakumbe anoratidza kuti iye nechikomba chake vaironga kusungisa Machekera. Zvakadai, Machekera anoti akaziva nezvekudanana kwemudzimai wake nechikomba ichi asati aenda kubasa kwaave kushanda mumba uku.

“Ini ndakarwadziwa ndikaenda kune imwe n’anga (zita tinaro), uko ndakanobatiswa ketero inotaura vanhu mukati. Ndakabvunza kuti ndaida kuziva zita rechikomba chemudzimai wangu rikataurwa, zvikanzi vakatanga kudanana gore rakapera muna June. Vakanzi vaironga kutogara vose, ini ndikazonzi nezwi raibudamo, ‘Tave kunomuranga toga murume ari kukutorera mukadzi uyu asi mukadzi wako tombomusiya’. Ipapo ndinonzwa kuti sikarudzi yechikomba ichi yakatanga kurwadza ichiny’ura,” anodaro Machekera.

Anoenderera mberi: “Ndakazofonerwa nemurume uyu (chikomba) achinditumira mashoko ekuti akanga anyeperwa nemukadzi wangu kuti haana murume iye ndokuti ava kusiyana nemudzimai wangu asi ndikamuti nhamba dzangu akadzipihwa nani.”

Murume ari kunzi chikomba chaMakumbe uyu aitumira mashoko erudo achishandisa nhamba dzinoti 0774 145 954 kune dzaMakumbe dzinoti 0784 543 480 ne0775 858 840.

Machekera anoti haasi kuzodzokera kumashure nekufambira nyaya iyi kusvikira zvaanoda zvaitika pamukadzi wake nezvikomba zvake.

“Izvozvi kumusha kune mumwe ari kuti mwana wandinoti ndewangu uyu haasi wangu. Murume uyu anoti akaenda kujeri achisiya mudzimai wangu aine pamuviri apo akazotizira napo kwandiri.”

Machekera anotizve anoda kudzoserwa pfuma yaakarooresa Makumbe nechikomba chaanoziva ichi, kwete zvimwe zvinonzi ijahwi.

“Vabereki vemudzimai wangu ndakavazivisa nezvenyaya yemwana wavo vakanyara zvikuru nechipfambi chake,” anodaro Machekera.

Anoramba mashoko anotaurwa naMakumbe ekuti aimubira mari yake pamwe nekudanana nemunin’ina wake.

Zvichakadai, Kwayedza yakaridzira nhare murume ari kunzi chimwe chezvikomba zvaMakumbe asi haana kudavira nharembozha yake iyo yaingorira.

Share This:

Sponsored Links