Uncategorized

Anonyima, haabike kana asina kunzi bika

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

 IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
ACHANDICHASHAMISWA nezvinoshamisa nekuti zvishamiso zvawanda. Izvozvi kune mumwe munhu achiri akagumbukira kunyimwa sadza pamuchato wakaitika makore matatu adarika. Mumwe achiri kufunga keke rakadyiwa nevamwe iye akanzi rapera.

Tinorangarira zvekudya zvekuti tinoita setichatadza kupinda denga. Tinotambudzikira nyaya yekuti takapakurirwa nzondora nebapiro pakaurayiwa huku. Zvekudya zvinogona kutidya mwoyo tikapedzisira tave varoyi.

Muzviitiko zviri kuitika munyika, mumwe mukuru akasvikirwa pamba pake nemukomana weimwe kambani inotuma vanhu kuti vafambe vachishambadza nekunzwa kana vanhu vachida kuisirwa internet. Mukuru akasvikirwa pamba pake uye, akawanikwa achidya sadza. Akanga ave pakati pekudya sadza rake pakasvika mukomana wekambani yeinternet. Mukuru akanga achidya sadza rake akabva akwazisana nemukomana uye, ndokumuti, “Ko mawana tichidyaka. Gezai mawoko tibatsirane.”

Mukomana wekambani yeInternet paakangoyedzwa sadza, haana kupedza nguva. Akabva angotora dhishi raivepo, achibva ati, “Maita zvenyu baba, regai timukombe kamuzonde.”

Baba vaye pavakaona kuti muyenzi wavo ane nzara, vakabva varega kudya vachiita kuti mukomana uye adye. Mudyiro waakaita sadza rakanga rasara wakaita kuti baba vaye vangoshama vakamuyeva. Apa dikita rakanga rave kupota richitodonhera musadza.

Vamwe pavari kushaya chekudya, mumwe munhu ndipo paari kurwadziwa nekeke repamuchato rakapera rasvika paari. Nyaya yezvekudya inyaya inobva kure. MuBhaibheri chaimo kudya ndiko kwakapesanisa munhu naMwari. Kudya ndiko kwakaita kuti Esau atengese hudangwe hwake.

Kana vanhu vedu vaiziva kuti hukama igasva hunozadziswa nekudya. Kufanana nababa vekuyedza mukomana wekambani yeInternet sadza, vakatozozivana nemukomana iyeye paakanga apedza kudya. Vakamubvunza zita, kumusha nemutupo.

Pane chinhu chatisinganzwisise nenyaya yekudya. Kudya imhando yesungano, kana yekuita chibvumirano.

Nyaya yekukosha kwesungano yekudya inonzwisiswa nemadzimai. Kazhinji vanhukadzi ndivo vanoona nezvekubika.

Ndivowo vanonzwisisa kuti kana munhu achinge agashirwa semuyenzi, anobikirwa kana kutsvagirwa zvekudya zvakatsiga.

Vakadzi vamwe chete ivava vanogonawo zvakare kushandisa zvekudya kutaura kusafarira kwavo munhu.

Babamukuru vangu vaiti kana vashanyirwa, “Titambire, wauya. Zvino wawana mukadzi wangu asipo kuti akubikire. Pane munin’ina wemukadzi wangu, asi anonyima uye haabike kana asina kunzi abike.”

Kana vadaro vaibva vazoti, “Ko nhai imi amai, bikirai vayenzi vadye.”

Rimwe gore ndakaona mukoma akanga ashanyira munin’ina wake achiramba zvekudya zvaakanga apihwa. Kwakanga kusiri kuramba kwekuguta, asi akanga amboudzwa kuti iye aida kudya zvevamwe, asi kwake asingape hama zvekudya.

Ichokwadi kunyimwa chikafu kunorwadza zvekuti vamwe vanoramba vachitaura hudiki hwekasadza kavakapakurirwa makore mashanu akapfuura. Asi hukama hwakakosha kudarika sadza. Muyenzi haapedze dura. Shiri ipinda haipedze mhunga.

Hama dzedu kana dzauya, kana tiine zvekudya ngatidyei navo nekuti hukama igasva hunozadziswa nekudya. Ngationei hukama, kudanana, kubatana, kuwadzana mukudya nekuti kana Jesu akarayira kuti vanhu vake vapote vachiungana kuti vanwe nekudya vari pamwechete vachimurangarira.

Zvakanzi naChinua Achebe, paye patinoungana tichidya tese hazvireve kuti hatina zvekudya kudzimba dzedu. Chinotiunganidza hukama hunoda kuzadziswa tichidya tese.

Jesu akatifira kuti tigozokwanisa kuona Mwari. Kana tichinge tafa tikaenda kudenga, achange arikowo zvakare mabiko nemikana yekudya tichiwadzana. Saka kana Jesu achiti tipote tichiungana semaKristu kuti tidye tese tichimurangarira – ngatisakanganwe kuti ndiye zvakare anogadzika tafura pamberi pevavengi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>