Antonio anwisa zvekare kuBelgium

02 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Antonio anwisa zvekare kuBelgium Bill Antonio

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weKV Mechelen – Bill Antonio – akanwisa zvekare nezuro manheru apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 neAnderlecht mumutambo weBelgian Pro League.

Mutambo uyu wakatambirwa kunhandare yeMechelen yeAFAS Stadion.

Uyu waive wekutanga waAntonio kutanga mutambo weBelgian Pro League sezvo mitambo mizhinji yaaitamba aitanga akagara pabhenji.

Anderlecht ndiyo yakatanga kunwisa apo Thorgan Hazard akagohwesa mutambo watambwa maminitsi masere, Antonio akazodzora watambwa maminitsi 53.

Luis Vazquez akazonwisa kuti Anderlecht itungamire zvekare asi Geoffry Hairemans akazonwisawo kuMechelen kuti mutambo uyu upere uri mangange 2-2.

Kuita mangange kwakaita chikwata chaAntonio uku kwakaona Mechelen ichigara pechipfumbamwe palogo reBelgian Pro League iine mapoinzi 29 kubva pamitambo 23 yayatamba.

Zvakadaro, chikwata cheMechelen chakatenga mutambi wemaWarriors Munashe Garananga kubva kuSheriff Tiraspol chekuMoldova.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey