Kwayedza
Abel Ndooka
MUTAMBI wemaWarriors neKV Mechelen yekuBelgium – Bill Antonio – akanwisa zvekare nemusi weMugovera wadarika apo chikwata chake chakakunda Koninklijke Voetbalclub Kortrijk 3-0 mumutambo weBelgian Pro League.
Aka kave kechitatu Antonio achinwisa achitambira KV Mechelen kubva zvaakatanga kutambira chikwata chevakuru mwaka uno.
Antonio akwanisa kutamba mitambo 11 ndokunwisa katatu izvo zvakaona chikwata chake chichimupa kondirakiti itsva yekuti arambe ariko.
Akasayina kondirakiti iyo ichamuona ari kuKV Mechelen kusvika gore ra2027.
Mumutambo mumwe chete uyu, Munashe Garananga akatamba mutambo wese ndokubatsirawo KV Mechelen kuhwina 3-0.
Kubva Garananga zvaatengwa neKV Mechelen munaNdira, akasvika ndokutora jezi muchikwata ichi uye iye naAntonio vamwe vevatambi vanotanga kusarudzwa kuti vagotamba pazuva remutambo.
Svondo radarika musi weMugovera, Teenage Hadebe akatamba mutambo wake wekutanga kuchikwata chake chitsva cheKonyaspor ndokuchibatsira kuhwina 2-0 mumutambo weTurkey Super League.
Konyaspor chimwe chezvikwata zviri kurwira kuti zvisabude muTurkey Super League mwaka uno naizvozvo Hadebe nevamwe vaanotamba navo vanotofanirwa kusunga dzisimbe kuti varambe vachihwina mitambo yavo inotevera.
KuFrance, chikwata chaMarshall Munetsi cheStade deReims chakakunda Le Havre 2-0 kunhandare yeLe Havre yeStade Oceane musi weSvondo.
Munetsi akatamba mutambo wese uyu.
Mwaka uno, Munetsi akwanisa kutamba mitambo 17 ndokunwisa kaviri chete sezvo akambodzorerwa kumashure nekuda kwekukuvara kwaakamboita.
Zvisinei, kana asina kukuvara, Munetsi mumwe wevatambi vekutanga vanowanzosarudzwa naWill Still.
Kuchiti Tino Kadewere, akatanga akagara pabhenji apo chikwata chake cheNantes chakakunda Lorient 1-0 mumutambo kunhandare yeLorient yeStade du Moustoir – Yves Allainmat musi weMugovera.
Kadewere akatsiva Mostafa Mohamed chikamu chechipiri chemutambo uyu chave kuda kutanga.
Kubva aenda kuNantes nechikwereti achibva kuLyon, Kadewere akwanisa kutamba mitambo mitanhatu ndokunwisa kamwe chete.
Munetsi nevamwe vatambi veNantes vane basa guru rekubata kuti vabatsire chikwata chavo chisaburitswe muLigue 1 panopera mwaka uno.
KuEngland, mutambi wechidiki ari kusimukira Trey Nyoni aive akagara pabhenji apo Liverpool yakakunda Chelsea 1-0 mufanari yemutambo weCarabao Cup.
Nyoni akabva apinda muboka revatambi vanobva muZimbabwe vakwanisa kuhwina mukombe mukuru kuEngland uye nemuEurope.
Svondo radarika harina kufamba zvakanaka kuna Jordan Zemura uyo chikwata chake chakakundwa 2-0 neGenoa.
Zemura, uyo akatanga mutambo uyu weSerie A, akazoburitswa watambwa maminitsi 54 chikwata chake chakatotungamirwa 2-0 kare.