Uncategorized

Apa Benenia mupenyu zvake . . .VAKAVIGA MHUKA VACHINZI MUNHU

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Apa Benenia mupenyu zvake . . .VAKAVIGA MHUKA VACHINZI MUNHU Mhuri yekwaZiko naMadzibaba Ngonidzashe Gwete (akagara pasi kuruboshwe) vari mudare ramambo Saunyama — Mifananidzo naTinaye Nyadzayo

Kwayedza

Liberty Dube ari kuNYANGA

MUNYAYA yatenderedza vagari vekuNyanga misoro, imwe mhuri yeko — ichishanda nemamwe maporofita — yakaviga mapfupa emhuka iri kufungidzirwa kuti imbudzi vachinzi marangwanda ehama yavo iyo iri kutozviraramira hayo muguta reHarare.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Saunyama, asi vemhuri iyi vari kutsika madziro vachiti hama yavo yakafa kare apo yakapondwa, ndokuchekereswa nevarume vaviri vane mabhizimisi — ivo ndokutora marangwana ake muguva raainge akafushirwa mumusha weHatcliffe, ndokunoaviga kumusha kwavo.

Zvisinei, mukadzi ari kunzi akafa kare uyu anonzi mupenyu uye chichoni chemuHarare.

Mhuri yekwaZiko, kwaMambo Saunyama — ichitungamirirwa nemamwe maporofita — ndiyo iri kunzi yakaviga mabhonzo embudzi muguva vachiti ndeehama yavo, Benenia Ziko, uyo achonera hake kuHarare, vachifunga kuti akafa mushure mekunge asiri kuzivikanwa kwaari kwemakore akawanda.

Izvi vakazviita zvisinei nekuti ongororo yakange yaitwa namachiremba yakaratidza kuti marangwanda avainzi nemaporofita ndeehama yavo aya ainge asiri emunhu — asi embudzi.

Marangwanda ainzi ndeaBenenia aya anonzi akafukunurwa paimwe nzvimbo iri mumusha weHatcleffe, muHarare, ndokunovigwa kuNyanga mugore ra2013 mushure mekunge “mweya” wake wabuda pamunin’ina wake anonzi Zvikomborero.

Nyaya yatemesa vanhu misoro iyi yakapinda mudare raMambo Saunyama svondo rapera avo vari kutsinhira kuti mapfupa akavigwa muguva nemhuri yekwaZiko ndeembudzi, kwete emunhu.

Mambo Saunyama vanoti zviri kuitika munyaya iyi “vamwe vanhu vari kudya nazvo, vachireva nhema.”

Benenia ari kunzi akafirwa nemurume wake mugore ra2007 apo vaigara kuNyamaropa, kwekare kuNyanga.

Mushure, Benenia anonzi akaenda kuHarare achiti aifambira magwaro ekufa kwemurume wake, asi akazonzi akafa mugore ra2013, zvichitevera mweya unonzi wakabuda pana Zvikomborero.

Vemumhuri yekwaZiko vanoti pakutanga vakanzwa kuti Benenia — uyo anozivikanwa zvakare saMai Mandisodza — akapondwa, nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa nevamwe vanamuzvinhabhizimisi vaviri vekuNyanga, vachida kuti mabhizimisi avo abudirire.

“Mweya waBenenia wakatanga kubuda pane hanzvadzi yangu, Tsitsi Ziko. Wakati ‘musafunge kuti ndiri mupenyu, ndakafa. Ndinoda kukuratidzai pandiri’,” anodaro Tawanda, uyo anove hanzvadzi yaBenenia.

“Apa takange tave nemakore manonwe tapedzisira kumuona. Akaenda kuHarare achinogadzirisa mamwe magwaro mushure mekufa kwemurume wake. Hatina kuzombomuona zvakare.

“Isu tiri mhuri inonamata uye nyaya iyi yakatitenderedza misoro, nekudaro hataikwanisa kuenda kunobvunzira kun’anga saka takaenda kumaporofita.

“Taida rubatsiro rwavo uye kuti tigoziva zvakawanda pamusoro penyaya iyi. Akatanga kubatwa nemweya uyu zvakare achiti, ‘Ndazviona kuti mune hanya neni, saka ndichakutungamirira kuenda kwandiri. Kana musina mari munokwanisa kufamba netsoka’.

“Ndipo patakazoungana vehukama tikatsvaga motokari yakatikaura kuenda kuHarare,” anodaro.

Tawanda anoti mweya waibuda uyu wakaramba uchitaura kuti vemhuri yavo vanofanira kunoona paive nemarangwanda aBenenia.

“Takasvika kuHarare munguva dzehusiku tikazoona kuti taive kuHatcliffe. Ndinorangarira kuti nzvimbo iyi yainzi Sunvalley. Takazongoerekana tamira mushure mekunge mweya waBenenia — uyo waibuda pana Zvikomborero — watiti takange tasvika paaive.

“Akatiratidza kwataifanira kuenda nako uye ndinorangarira kuti nzvimbo iyi yaiva pasi pemuti, asi paine gedhi. Takasiyana nezvatakange tafambira mushure mekunge tatadza kupinda. Takazorara mumotokari ndokudzokera zvakare kunzvimbo iyi muzuva rakatevera, mangwanani-ngwanani.

“Asi tasvikapo, zvakatishamisa kuona Zvikomborero achimbundirana nevamwe vakadzi vaivepo — vainge vakapfeka magemenzi.

“Takatsvaga rubatsiro kubva kuvavakidzani, uyu Zvikomborero ndokutangazve kumberereka nemukomboni akabatwa nemweya apo ainongedzera kuvanhu vakawanda vanogara ipapo uye achivataura nemazita avo.

“Asi, pane vamwe vakange vakapfeka magemenzi echechi yeJohane Masowe avo vakazotidzinga. Takazodzoka kwapera mazuva tiine mapurisa ekuBorrowdale Police Station. Takafukunura panzvimbo yatakaudzwa nemweya waibuda uyu kuti tichere. Takabva taona mapfupa akaiswa mugomba rairatidza seguva uye rakatovakwa,” anodaro Tawanda.

Anoti mapurisa akavapa zano rekuti vatore marangwanda aya, onoongororwa namachiremba uye zvakabuda kuti akange asiri emunhu.

Mapurisa anonzi akaramba kugara nemabhonzo aya sezvo akange asiri emunhu.

Vemhuri iyi vakabva vaenda nawo kuNyanga, ndokunoaviga muguva mushure mekunge vaita chivanhu chavo.

Amai vaBenenia, Mbuya Ziko, vakaudza Kwayedza kuti kubvira pakavigwa marangwanda aya, mumhuri yavo hamusisina dambudziko revanhu vanongorwara-rwara sezvaisiitika.

“Mumhuri yangu maingorwariwa zvisinganwisisike, asi kubvira patakaviga mabhonzo aya, hatisati tambosangana nedambudziko rekurwarirwa. Tafurwa nemhepo zvino. Takashaya kuti mabhonzo aya toaisa kupi, saka mushure mekunge tabvunzira-bvunzira, takazoaviga muguva,” vanodaro amai ava.

Mushure mekunge mabhonzo aya avigwa patsva, Kwayedza yakaziviswa kuti mweya waBenenia wakaramba uchibuda uchiti arere semhuka.

Mweya uyu unonzi waiti, “Pedzisai dare rangu kuti ndisvike pamusha nekuti ndiri kurarama semhuka. Ndinoda kudzoka kumusha nekuti ndiri kurarama semhuka.”

Mambo Saunyama — avo vakashevedza vemhuri yekwaZiko kudare ravo nekuda kwekuti vakaviga mapfupa embudzi vachiti ndeemunhu — vanoti vachatumira munyori wavo kuHarare kuti anotora Benenia kuitira kuti ange ari padare ravo riri kuitwa nemusi weChishanu chino.

Kana zvikabuda kuti Benenia mupenyu, vekwaZiko vanogona kuripiswa namambo.

“Zvakatsinhirwa kuti mabhonzo aya ndeembudzi. Vemhuri iyi vaizviziva asi vakasarudza kutenda kuti mudikani wavo akafa. Sezvo ongororo yakaitwa namachiremba yakaratidza kuti mabhonzo aya haasi emunhu, uhu huchapupu hwakakwana hwekuti Benenia haana kupondwa.

“Ndichashevedza vanonzi vakamuuraya vacho kudare rangu. Zvinosuwisa kuti vemhuri iyi vari kuita izvi vachishandiswa nevamwe vanhu vane zvavari kuwana kubva munyonga-nyonga inotaridza kusagadzikana kwepfungwa iyi. Zvino musi weChishanu tichasvitsa nyaya iyi kumagumo,” vanodaro Mambo Saunyama.

Padare raMambo Saunyama resvondo rapera, Madzibaba Ngonidzashe Gwete — uyo ari kunzi mumwe wemaporofita akatungamirira kufukunurwa nekuvigwa kwemapfupa embudzi achinzi ndeaBenenia — aivepowo.

Votaurawo pamusoro pezviri kuitika, mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero, vanotsinhira mashoko aMambo Saunyama vachiti kune vanhu vane zvavari kuwana kuburikidza nenyonga-nyonga iri kuitika munyaya iyi.

“Mudzimai uyu mupenyu, ndinotsigira zvizere Mambo Saunyama. Zvakaonekwa muongororo yakaitwa nemachiremba kuti mabhonzo aya haazi emunhu zvisinei kuti vemhuri iyi vanofunga kuti hama yavo yakafa.

“Kana Mambo Saunyama vakatsinhira kuti mapfupa aya ndeembudzi, saka pane ari kudya kubva munyonga-nyonga iyi. Hapana nyaya yezvemweya apa, munhu uyu mupenyu kwete zvavari kutaura izvo,” vanodaro VaKandiero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>