Uncategorized

Aponda mwana achiti chimhuka

12 Jan, 2022 - 12:01 0 Views
Aponda mwana achiti chimhuka Insp Milton Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wepamugodhi weCaesar Mine uri kuMutorashanga, kuMvurwi akasungwa nemapurisa nemhosva yekuponda mwana wake achiita wekutema-tema nedemo achiti akamuona sechimhuka chainge chapinda mumba maainge arere.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti Tukai Sinoya (32) anogara mukomboni yepamugodhi uyu ari kupomerwa kuponda mwana wake, Fortune Sinoya (7), uyo waaigara naye vachingova vaviri.

Insp Mundembe vanoti murume uyu akabva kubhawa reNgoroni kuma3 masikati uko ainwa doro nevamwe ndokusvikorara semunhu aiva adhakwa.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa7 Ndira gore rino apo Tukai Sinoya akabva kubhawa kuma3 masikati ndokusvikowana mwana wake achitamba nevamwe pamba pevavakidzani. Murume uyu akabva angorara apo mwana uyu akaenderera mberi nekutamba nevamwe,” vanodaro Insp Mundembe.

Mwana uyu anonzi kuma7 dzemanheru, akazoendawo ndokunorara nababa vake pamubhedha mumwe chete.

“Nenguva dza11 husiku, Tukai Sinoya akazomuka ndokuti akaona mwana wake semhuka yaiva yapinda mumba mavo. Akabva atora demo raiva pasi pemubhedha achibva atema-tema mwana uyu katatu mumusoro achibva angofira ipapo.

“Murume uyu akazotakura mutumbi wemwana uyu pafudzi husiku hwekare ndokuenda nawo kumapurisa epakamba yeCaeser achiti ainge auraya mwana achimuona semhuka,” vanodaro.

Mapurisa vanonzi vakazoenda nemurume uyu kumba kwake vakanoona demo raakashandisa uye mumba make makazara ropa achingotaura kuti akauraya mwana uyu achimuona sechimhuka chaiva chamupindira mumba chichida kumurwisa.

“Murume uyu akabva asungwa nenyaya yaari kupomerwa yekuponda mwana wake uye mutumbi wemwana uchibva wazoendeswa kuchipatara cheConcession kunoongororwa,” vanodaro Insp Mundembe.

Mune imwewo nyaya, Insp Mundembe vanoti murume wekuMhondoro akaponderwa kuShamva nechikwata chemakorokoza chakabva kuKadoma avo vaiti vaida kunotsividza kupondwa kwavanoti kwainge kwaitwa vamwe vavo munzvimbo iyi nemakorokoza.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa6 Ndira gore rino pane makorokoza vanonzi vakabva kuKadoma vakazara makombi maviri nechinangwa chekuda kunorwisa makorokoza enzvimbo iyi vachitsividza kuuraiwa kunonzi kwakaitwa vamwe vavo mumwedzi waZvita gore rapera,” vanodaro Insp Mundembe.

Makorokoza aya anonzi akatanga kutsvaga vanhu vavaida mumusha weTiparari kuShamva vavaiti ndivo vakauraya vamwe vavo.

Vanonzi vakazosangana naFarai Fundi (41) wekwaSabhuku Dheny’a, kuMhondoro-Ngezi ndokumubaya nemapanga nemapfumo achibva angofira panzvimbo.

Mubongozozo iri, vamwe vanhu vana vanoti Virimayi Gutsa (41) wekwaHwanda kwaBushu, Leonard Madzinga wekwaSabhuku Gadzi kwaBushu, Godious Chimutaka naNolline Kanjamuka vakakuvara zvikuru.

Mutumbi waFundi wakazoendeswa kunoongororwa kuchipatara cheBindura General Hospital uyewo vakakuvara vakaendeswawo kuchipatara ichi uko vari kurapwa.

“Zvichakadai, semapurisa tiri kutsvaga vanhu vaviri vanoti Gift Komeni naTrust Mupedziswa tichikumbira kuruzhinji kuti anoziva vaviri ava ataurire chero mapurisa vari padyo navo. Makombi maviri aiva auya nevanhu ava akatiza panguva yakangouraiwa munhu mumwe chete uyu nekukuvadzwa kwevamwe vana ava,” vanodaro.

Insp Mundembe vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutora mutemo vachiuisa muhomwe dzavo.

Share This:

Sponsored Links