Kwayedza
MUKURU wekanzuru yemadzimambo nemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti zviri kuitwa naVaShepherd Gemu nemuroora wavo Machipisa makunakuna anotyisa.Mambo Charumbira vanokukurudzira mambo wekunobva vanhu ava kuti avarange zvakaomarara.
Mambo Negomo, VaLucious Chitsinde, vekudunhu rinobva VaGemu vanoti vachatsvaga vemhuri yekwaGemu kuitira kuti vavamise mudare ravo nekuda kwenyaya yemakunakuna kana kuti chipini iyi.
VaGeorge Kandiyero, vanova mukuru wesangano reZinatha, vanotiwo nyaya iyi inoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu kusvika pekupedzisira.