Uncategorized

‘Aya ndiwo mashura’

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

NYANZVI mune zvechivanhu dzinoti zvinoshura kuti mwana azvarwe aine mazino kana mimwe mitezo yemuviri isingaenderani nezera rake.Izvi zvinotevera nyaya yemusikana ane makore 15 okuberekwa wekuKwekwe uyo akabara mwana ane mazino, mazamu anobuda mukaka, maziso anobuda hurwa nevhudzi kunhengo dzake dzakavandika.

Mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZNIPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti kuzvarwa kwemwana ane mazino kune chirevo chikuru kumhuri kana kudunhu rinenge raitika izvi.

Sekuru Chisanyu

Sekuru Chisanyu

“Pasichigare vanhu vaienda kumasvikiro kuti vanobvunzira kuti vakwanise kuziviswa chirevo chazvo. Mambo ndiye munhu wekutanga anofanira kuziviswa nekuti pamwe pacho zvaigona kunge zvichikonzerwa nechivanhu chinenge chakakanganiswa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti pamwe pacho varapi vechivanhu vaishandisa mishonga votsvaga nyanzvi dzinogadzira mazino nemazamu emwana kuti adzokere mukati.

Mambo Seke, VaStanley Chimanikire, vanoti chishamiso chikuru kuti mwana azvarwe aine mazino, mazamu nevhudzi kunhengo dzakavandika.

“Zvatinoita isu semadzimambo, tinogara pasi nevemhuri yaitikira mashura aya zvichienderana nezvitendero zvavo, kuti vafambe kuchivanhu kana kumaporofita paonekwe mviro-mviro yacho. Kuita kwakadai kunokonzera kusagadzikana saka panodiwa tsvakurudzo kuti vanhu vaone kuti vangabatsirikana sei.

 Mambo Seke.

Mambo Seke.

“Asika, hazvingobati mhuri iyi bedzi. Zvinogona kunge zvichibata nyika yose kana dunhu raitikira nyanya iyi. Saka zvinenge zvabuda kumasvikiro ndizvo zvinofanira kutevedzwa kuitira kuti kana paine dambudziko rinoda kunyuka ringe richiganhurwa,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvinoitika zvinhu zvakadai asi zviine chirevo. Ndinoona zvakare kuti zvabva zvaenderana nekuti mwana uyu akazvarwa mumwedzi waMbudzi unova une zviyera-yera.

“Asika, vanhu havafaniri kuramwidzana mwana iyeye. Anofanira kuchengetwa zvakanaka uye vanofanira kuudzwa machengeterwo ake akanaka achipihwa mishonga inomubatsira kuti ayambuke padambudziko iri.”

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Gwinyai Innocent Rutsiko vanove murapi vari nhengo yeZINPA vachiti kana mwana akazvarwa aine mazino zvinoshura.

“Kuzvarwa kwemwana aine mazino, mazamu nevhudzi kunhengo mimwe mitezo isingatarisirwi kuonekwa pamucheche zvinoreva kuuya kweimwe tsika inenge iri kuramba kutambirwa mumhuri imomo kana munyika ino. Saka ndinoti mhuri iyi ngaigare pasi igoona kuti mwana uyu angabatsirwa sei nevarapi chaivo,” vanodaro.

Mbuya Florence Madyira vekereke yeChitenderano Chevapositori vanoti mwana akadai anopihwa miteuro neminyengetero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>