Uncategorized

Azviuraira baba vasiri vake

20 Nov, 2021 - 11:11 0 Views
Azviuraira baba vasiri vake

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME aive nemakore 29 okuberekwa wekwaMambo Gampu kuMafa Line, kuTsholotsho anonzi azviuraya mushure mekunge amai vake vamuudza kuti murume waaiziva sababa vake akanga asiri iye baba vekumubereka.

Izvi zvakaitika nemusi weMuvhuro nenguva dza5 dzemanheru.

Mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi anoti Precious Ndebele (48) akanga achitadza kurara kwenguva yakareba nekunetseka kuti oudza sei mwanakomana wake, Nkosilathi Ndebele, chokwadi chekuti Kenneth Ndebele haasi baba vake chaivo.

NeMuvhuro vhiki rino, Precious akafunga kuzvisunungura kubva kune zvakavanzika zvaakanga agara nazvo kwenguva refu.

Akadaidza mwanakomana wake, Nkosilathi, akamuudza kuti pane zvaimushungurudza.

“Akatanga ambochema asati amuudza kuti Kenneth Ndebele akanga asiriye baba vake chaivo. Akamuudza kuti nyaya iyi yaimushungurudza kwenguva ndefu,” anodaro munyeveri uyu.

Nkosilathi anonzi akatadza kugamuchira nyaya inosuwisa iyi zvakaita kuti ashungurudzike zvakanyanya ndokutanga kutora zvinodhaka senzira yekuderedza marwadzo.

Akaudza musikana wake, Sakhile Ncube (20), nyaya iyi akati aida kuzviuraya nekuti akanga asisina chekuraramira.

Papera mazuva maviri, Nkosilathi anonzi akafonera musikana wake akamuudza kuti akanga afunga kuzviuraya.

“Akaedza kumunyengetedza pafoni asi akaramba achimuudza kuti aida kuzviuraya. Musi wakaitika chiitiko chekuzviuraya ichi, Sakhile akamhanya kumba kwemukomana wake ndokuona dhoo remumba maairara rakakiiwa.  Akamanikidzira kurivhura ndokuona akazvisungirira pamapango anobata denga reimba,” anodaro munyeveri uyu.

Nyaya iyi yakamhan’arwa paTshefunye Police Base kuTsholotsho kwakare.

Hapana chakaipa chinofungidzirwa kuti chakaitika mukuzviuraya kwaNkosilathi.

Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira chiitiko ichi uye vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzinobata zvakanyanya seidzi kupfurikidza nekupangwa mazano nevanhu vechikuru kana vatungamiriri vemunharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>