Baba chengetai vana venyu: Dare

30 Jan, 2024 - 16:01 0 Views
Baba chengetai vana venyu: Dare Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara muHarare – wekuzvuzvurudzira aimbove mudzimai wake kudare achida gwaro redziviriro – akazoshaya pekupinda nenyadzi mushure mekuudzwa kuti anofanirwa kuchengeta vana vake uye kuti asade kushandisa dare kunzvenga kuriritira mhuri yake.

Raymond Maradza akaendesa Salome Mubayi kuHarare Civil Court achiti anouya kuzomurwisa pamwe nemudzimai wake mutsva.

“Ndikanonoka kumupa mari kana chikafu chevana vedu, anouya kuzoita ruzha pamba patiri kugara zvino ndave kutya kuti achazokuvadzwa kana iye kukuvadza mudzimai wangu saka ndinokumbirawo gwaro rekuti asasvike pandinogara,” anodaro Maradza.

“Mai vevana ndakavati vaende kudare remendenenzi mari yobatwa zvayo papeyi pane kuti varambe vaichuya pamba kuzoita ruzha, pamwe pacho ndinonoka kutumira mari nekuti ndinenge ndichishaya nguva.”

Achipawo divi rake, Mubayi anoti Maradza haadi kuchengeta vana uye anogara achinyepa kuti achatumira mari.

“Pese pandinobvunza mari anongoramba achiti ndokupa mangwana saka ndinozopedzisira ndanomutsvaga nekuti vana vanenge vave kufa nenzara,” anodaro Mubayi.

Mutongi Tamara Chibindi vakaudza Maradza kuti hazvaigona kuti vamupe gwaro redziviriro nekuti sababa, anofanirwa kutoona kuti mhuri yake yachengetwa.

“Musada kutiza kuchengeta vana, chinokutadzisai kuvapa mari nechikafu chii? Musada kutiza chijana chenyu chekuchengeta vana,” vanodaro.

Mutongi akarasa chikumbiro chaMaradza.

Share This:

Sponsored Links