Baba kuvheneka mwanasikana humhandara?

19 Feb, 2024 - 22:02 0 Views
Baba kuvheneka mwanasikana humhandara? Dare

Kwayedza

Fungai Lupande

MURUME ane makore 36 okuberekwa wemumusha waMakoni, kuMuzarabani, kudunhu reMashonaland Central, akatongerwa kupika jeri kwemakore 20 mushure mekubatwa nemhosva yekuvheneka humhandara kumwanasikana wake ane makore 13.

Aipomera mwanasikana uyu mhosva yekushinha nemumwe murume mushure mekunge anonoka kudzokera kumba nekuda kwekuti musi iwoyo kwainaya.

Pashure akazorova mwana uyu zvakaipisisa.

Pakatanga mvura kunaya, mwana uyu anonzi akanohwanda mvura kumba kwatete vake.

Mutongi wedare reBindura Magistrates Court, VaAmos Mbobo, vakatemera baba ava chirango chekugara mujeri kwemakore 20 akazara pamhosva yavakapara kumwanasikana wavo iyi.

Vachipa mutongo, VaMbodo vakaratidza kushushikana nenyaya dzanababa vari kumbunyikidza vanasikana vavo nenzira yepabonde.

“Pakupa mutongo, dare raona kuti mhosva iyi yakaparwa nenzira yakaipisisa,” vanodaro.

“Ari kupomerwa mhosva ndiye baba vemumhan’ari uye akashandisa chisimba chekurova mwanasikana uyu asati amuvheneka humhandara. Dare ratarisawo kurwadziswa kwakaitwa mumhan’ari mumuviri nepfungwa,” vanodaro VaMbobo.

Muchuchisi VaEdward Katsvairo, vakaudza dare kuti nemusi wa8 Mbudzi gore rapfuura nenguva dza6 manheru, mumhan’ari aive pamusha pavatete vake aina ambuya vake.

Baba vake vakatevera ndokutora mumhan’ari kuenda naye kumba kwavo vachimurova munzira yose.

Vachisvika kumba, vakabva vakiya mukova nemukati ndokubvunza mwanasikana wavo kuti akamboshinha here nemumwe mukomana anonzi Simba.

Mwana akaramba achiti haana kumbobvira aita zvakadaro kana nani zvake.

Baba ava vakabva vaongorora mwana uyu humhandara nechisimba.

Murume uyu akabva audza mwanasikana wake kuti asawane waanotaurira nyaya iyi.

Akatanga kumurova nemubato wemopu yekukorobhesa achimupomera mhosva yekudanana naSimba.

Mwanasikana uyu akazoudza ambuya vake nyaya iyi ndokunomhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Poce kuMuzarabani.

Akazoendeswa kuchipatara cheSt Alberts kuti anoongororwa uye magwaro ekwachiremba akaratidza kuti mumhan’ari akanga aine mavanga muviri wake wose, kuzvimba kumeso nemusoro.

Share This:

Sponsored Links