Uncategorized

Baba munotiita vakadzi venyu: Vanasikana

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
N’ANGA yekunetsana nevanasikana vayo vaviri avo vari kuipomera mhosva yekushinha navo ichishandisa mishonga yakazopotera kudare.

Sylvester Machunga akamhan’arira vanasikana vake – Diana naIrene Machunga – kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza, havamuteereri, vanomutuka uye vari kumurambidza kuita basa rake rehun’anga pamba pake.

“Vana ava ndakavasiirwa pakafa mudzimai wangu muna2008 ndikavaendesa kuchikoro nekuvachengeta asi ndava kuona kuti hapana zvandakaita. Vava kundipandukira, havanditereri, havadi kushanda uye havandioni sababa vavo. “Vakatanga kundituka vanhu vose vemuraini vanomira ho-o nemashoko anobuda mukanwa mavo. Vanonditi ndiri muroyi uye ndinoshandisa mushonga kuti vasaroorwe. Vari kunditi ndinovaita vakadzi vangu. Chokwadi kana ndimiwo changamire, pane mubereki asingadi kuti mwana wake azviitirewo imba yake here?” akadaro Sylvester.

Akati vanasikana ava vanomudza kuti hapana zvaanokwanisa kuvaita sezvo achembera.

“Vanondiudza kuti handina zvandinovaita uye ndivo vanototonga pamba pangu. Irene anobuda achidzoka pakati pehusiku, ndikabvunza Diana kuti ko mukoma wako aendepi inobva yatoita nyaya onditi, ‘Ho-o, zviya nguva yekuti muchirara nesu yakwana ndosaka mave kutitsvaga’.”

“Mashoko evana ava achandiuraya nekuti anonyatsondibaya panyama nhete. Nekukwegura kwandaita handikwanise kuvarova nekuti vakandikutsira ndinofa.”

Diana akaudza dare kuti baba vake vainyepa. “Zviri kutaurwa nababa manyepo. Nyaya iripo ndeyekuti havasi kuda kuti tirambe tichigara pamba nekuti hatisi kuwirirana pachitendero. Ivo vanoita zvehun’anga isu tinoenda kuPHD (Prophetic Healing Deliverance Ministries). Takatomboenda tose navo kuPHD vakazosiya nekuti vaifunga kuti neminana vakangoenda nguva pfupi tinobva tawana mabasa nekuroorwa ivo voita mari. Pavakaona zvaramba, vakabva vasiyana nekuchechi. Isu kubuda mumba hatirambe asi kwekuenda hatina uye hatina mararamiro atingaite sezvo tisiri kushanda,” akadaro Diana. Sylvester akaenderera mberi achiti zvinomushamisa kuti vanasikana vake ava havadi kuti aiite zvehun’anga asi zviri izvo zvaakavararamisa nazvo.

“Vana ava havasi kuda kuti ndiite zvehun’anga izvo zvirizvo zvakavararamisa kusvika pavari nhasi. Mai vavo chaivo ndakavaroora nemari yehun’anga uye vanga vasina dambudziko nazvo. Imba yatiri kugara chaiyo ndakavaka nemari iyoyo, saka chazoshata nhasi chii?

“Vanhu vandinorapa vava kutotya kusvika kumba nekuti vana vangu vanobva vavatuka zvisingaite. Ini zvehun’anga handiregi ivo kana vasingadi izvozvo pamba pangu ngavabude,” akadaro Sylvester.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaSylvester akati vatatu ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>