Uncategorized

Baba naMai zvidhakwa

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
KANA baba namai vakasarudza kudhakwa, kushaya hunhu, kutukana nekutuka vana nezvinyadzi, mhuri inofa, musha nenyika zvinoparara. Kana vabereki vakakoshesa doro nekutenga weave, kuona TV nekutexta mameseji asingapere, vana havakure vakazove vanhu vane hunhu. Kana vabereki vakabatana pahuro, kurovana nekuendesana kumapurisa, vanofanana nepoto iri kututumira pamoto kusvikira moto wati nhoo.

Ndizvozvo zvinoitika, kana mabhiridha akatanga kutemana nezvidhinha, hapana imba inovakwa. Kana mapurisa akatanga kuvhima muhomwe dzevanhu, anenge ave mbavha uye mapango edanga anenge asisachengetedze mombe, asi anenge ave kugocha mombe dziri mudanga achidziita nyama.

Muno muZimbabwe tapfeka bhutsu takapesanisa, uye mafambiro edu ave nemamheya. Kana nehunhu hwedu hwarembera kunge karemwaremwa kakarara mubako. Panzvimbo yekubatsira vawirwa netsaona, tinotora mapikicha ekutumira shamwari dzedu paWhatsApp. Panzvimbo yekuti tisununguke kudarika nepaRoadblock, tinotanga kutsvaga nzira dzekutiza nadzo nekuti mapurisa ave shumba dzine nzara, shumba dziri kuvhimha.

Kana ndiri seni, ndave kutya mapurisa panzvimbo yekuvada kuti vandichengetedze. Zimbabwe, hatichabatsira vari kurasika. Hatichaparidza vhangeri rekuti vanhu vazive kuti hupenyu huri muna Jesu kwete mukuropafadzwa kwezvinhu zvinobatika. Hatichanamatira vakarasika, asi tave mhare dzekushora vacho vanenge vatendeuka kuti vave kunamata Mwari.

Tave varoyi chaivo. Panzvimbo yekuchema nevanochema, tave kuchemedza vanochema, uye kana pakaita vanoda kubatsira vanochema, tinovapisa zvigunwe. Muchenjere kuti kudenga akanga achitaurwa nezita rake ndiRazaro, asi mupfumi akanga asingazivikanwe nezita rake nekuti kudenga akanga ave zero. Iye munhu achagobatsirwa neiko kana awana nyika yese, asi orasikirwa nehupenyu hwake?

Chakanaka chakanaka, imbwa haihukure sadza. Mweya wekuti handinzarwo wasimba kunge simbi mumwoyo yedu. Kurambana kwave kunge kusaidzira ndiro yawapedza kudyira sadza parutivi. Hatichaona zvakanaka, asi zvakaipa zvega zvega. Machechi apera kupatsanurwa-patsanurwa. Kupupura kwedu kwave kwekushamisira. Vari kurwadziwa mumachechi havaperi.

Imo muchechi maita veSinagogi raSatani vanenge vachiti, “Kana ukarwadziwa neni haupore!” Kuendesana kumatare ndiro rave basa. Kuyanana kwaiitwa kare nemabharanzi. Kupa rimwe dama kwaive kwaJesu, isu tinokusota tigokuwachisa kusvikira wapfugama. Isu hatinei nekuti kune vane nzara, ndeyekwavo iyo.

Kana vaye vakashevedzwa naJesu kunzi huyai ndikuitei varedzi vevanhu vari kurwira nekudamburawo mambure. Kana vapfeka mabhachi ane mazita, havachataura Shoko raJesu nekuti haribhadhare nekutenga zvavanoda. Asika, kana munhu nemunhu akamira panzvimbo yake. Baba vakakoshesa kupedza basa voenda kumba, kwete kubhawa kuti vanzwe kuti vana vavo vaswera vachiitei, kuti vavapewo mazano maviri kana matatu, nyika inovakika.

Usati ndave kuitawo mbavha nekuti vanhu vese vari kuba. Usarege kuvimbika nekuti vanhu vese havasisina kuvimbika. Usarege kuuya kuchechi nekuti vanhu vese vari kukunyeya. Vanhu hatina kufanana, uye kunyepa kuti, “Vanhu vese vari kukunyeya,” nekuti tese hatisi vanhu vese. Munhu nemunhu ngaaite zvakanaka, zvinofadza uye zvakarurama.

Kana murimi akangogara achiyeva mvura ichinaya, minda inorarira. Kana murimi akada kurwira muganhu munda unorarira. Mufudzi wemombe ngaafudze mombe dzake dzirege kufura muminda yevanhu. Mombe dzisina mufudzi dzinopara mhosva, nekuti mombe haizvifudze kana kuzvidzora.

Munhu ane basa rake ngaariite nemazvo. Jesu haana kutanga arwara asati azofa, asi akangofa, akazomuka kuti ini newe tiregewo kufa.

Share This:

Sponsored Links