Uncategorized

Baba nemwana pamukadzi 1

16 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Baba nemwana pamukadzi 1

Kwayedza

Gibson Mhaka ari kuGOKWE

VAGARI vemubhuku raMarumisa, kwaMambo Nemangwe, kuGokwe, havana neremuromo zvichitevera nyaya yababa nemwanakomana wavo avo vanonzi vari kupedzera “nyota” yerudo pamukadzi mumwechete uyo atove nepamuviri.

Nyaya iyi, iyo inoshamisa, yakabuda pachena apo mudzimai uyu — Rosemary Hwingwiri — abata pamuviri.

Mushure mekunge aputirwa nenyadzi nekuda kwezvaakaita, Hwingwiri anonzi akafumura gure iri kuna tete vake avo vakazoudza dzimwe hama dzavo.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti Edmore Muranda nemwanakomana wake, Tinashe, vakashamisa vanhu vanogara mubhuku ravo mushure mekunge zvabuda pachena kuti vose vanoshinha nemukadzi mumwechete uyu.

Zvinonzi Hwingwiri anowirirana zvikuru nevemhuri yekwaMuranda.

Edmore anonzi akadanana nemukadzi uyu achitora mukana wekuti anowirirana nemudzimai wake, zvimwechete zvinove zvakaitwa nemwanakomana wake uyo akapedzisirawo odanana neshamwari yepamwoyo yaamai vake.

“Izvi zvinhu zvinoshamisa uye zvausinga tarisire kuti zvinoitika muupenyu. Nyaya iyi ina baba nemwanakomana wavo mukati, Edmore naTinashe avo vanoshinha nemukadzi mumwechete.
“Zvinoshamisa ndezvekuti mukadzi uyu anowirirana zvikuru nevemhuri iyi,” anodaro mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi uyo anokumbirisa kuti zita rake risaburitswe.

Mhuri yekwaMuranda neyekwaHwingwiri dzinonzi dziri kuzama nepadzinogona kuti nyaya iyi isataurwe nezvayo kunyangwe zvazvo pari zvino ichinzi yakasvitswa kudare raMambo Nemangwe.
Vachibvunzwa nezvenyaya iyi, Mambo Nemangwe vanoti pakati pemhuri mbiri idzi hapana ati asvika kudare ravo.

“Achingori makuhwa uye pari zvino hapana ati auya kudare rangu achimhan’ara. Asi kana makuhwa aya akazobuda kuti ichokwadi, panotorwa matanho akasimba kune vari munyaya iyi nekuda kwekusvibisa kwavanenge vaita dunhu rangu.

“Makunakuna kuti mwanakomana nababa vake vashinhe nemukadzi mumwechete. Hazvitenderwe zvachose pachivanhu chedu,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Share This:

Sponsored Links