Uncategorized

Baba nemwana voitana ‘mwaa’

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Baba nemwana voitana ‘mwaa’ Elizabeth Zhou akagara naThompson Mutandwa pamwe chete nevana vake — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuGoromonzi ari kutongwa nedare rasadunhu weko nenyaya yaari kupomerwa yekudanana nemwanasikana wake uyo ava mumvana ane vana vaviri.

Dare raraSadunhu Musonza ndiro riri kutonga Thompson Mutandwa (36) achinzi ari kudanana naElizabeth Zhou (22) – uyo anova mubvandiripo, mwana akauya nemudzimai wake, Irene Zhou (42).

Mai Angella Gunha (65) – avo vanova Sabhuku Ngazimbi – vanoti nyaya iyi yakasvika kwavari.

“Nyaya yevaviri ava yakatanga kare kutaurwa nezvayo, isu ndokungofunga kuti kwaingova kutaura kwevanhu. Yakaramba ichitaurwa kusvikira zvakazondiremera apo ndakazoisvitsa kumapurisa nekwasadunhu vedu Musonza. Pari zvino yakamirira kutongwa mudare kuti kuwanikwe chokwadi chaicho,” vanodaro.

Sabhuku Ngazimbi vanoti murume uyu vakamutumira samanisi rakabva kwaSadunhu Musonza uko akazoenda kudare iri ari oga asi akanonzi anofanirwa kuendako nemwanasikana wake pamwe chete nemudzimai.

“Thompson Mutandwa akaenda kudare kwaSadunhu Musonza oga nemusi weSvondo wadarika paseri apo akasvikoudzwa kuti vanodiwa vose nemudzimai pamwe chete nemwanasikana wake kuti vadavire nyaya iyi. Mumusha mangu muno mune vanhu vanoti vane humbowo hwekudanana kwababa ava nemwanasikana wavo.

“Mwanasikana uyu mwana wemunin’ina waIrene Zhou kureva kuti mwana chaiye wemhuri iyi. Mwana uyu akauya kuzogara nemhuri iyi apo amai vake chaivo vanonzi vakanga vafa achigara kumusha kwanasekuru vake kuMberengwa,” vanodaro.

Sabhuku Ngazimbi vanoenderera mberi: “Mwana uyu akagara pamusha uyu ndokuita nhumbu yekutanga iyo inonzi ndeya baba ava. Akazoita yechipiri apo mwanasikana uyu anonzi akambotiziswa pamba ndokunorojerwa imba senzira yekumuhwandisa uko baba ava vanonzi vaitevera. Ini ndakamubvunza musikana uyu kuti baba vevana vake ndiyani akanditi ane mukomana wake wekwaMurehwa uyo akamuitisa vana ivava.

“Zvakadaro, Thompson nemudzimai wake vane vana vatanhatu pamwe chete.”

Vanoti Elizabeth ava kurwara achizvimba nekufunuka makumbo nemaoko.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Ndipei nguva ndimbotsvaga chaizvo zvakatora nzvimbo munyaya iyi,” vanodaro Insp Mwanza.

Zvichakadai, Mutandwa, Elizabeth naIrene Zhou vose pavakasvikirwa neKwayedza pamusha pavo vakatsenga-tsenga mukanwa nekuda kwenyaya iyoyi.

Mutandwa anotsinhira kuti akatumirwa samanisi rekuti aende kudare raSadunhu Musonza uye kuti ari kupomerwa nyaya yekudanana nemwanasikana wake.

“Nyaya iyi yakabvirwa kare, yekuti ndinodanana nemwanasikana wangu uyu agere apa. Mwana uyu ndakamutora kuti ndigara naye ari Giredhi 5 kusvika Giredhi 7 achibva kumusha kwanatezvara vangu kwaMukwati, kuMberengwa.

“Akazoenda kuBindura achimbonoshanda ikoko ndokudzoka ava nemwana wekutanga. Akaita pamuviri pechipiri apo akaenda kuMabvuku, kuHarare. Nyaya iripo ndeyekuti pane vanhu vari kundirwisa nekuda kwemota yangu nekuzovaka kwandakaita pano,” anodaro Mutandwa. Murume uyu anoti akazvipira kuenda kunoongororwa nemachiremba pamwe chete nevana vemwanasikana wake kuti chokwadi chibude pachena.

Elizabeth anotiwo haasi murudo nababa vake.

“Nyaya iyi inogara ichitaurwa, ini handina kumbobvira ndadanana nababa vangu. Vanhu vanoda kukonzeresa mukurarama kwedu.

“Murume akandipa vana ava anonzi Simbarashe Muchenuri anobva panzvimbo yemabhizimisi yeProgress, kuBindura. Takasangana kuBindura ndokuzoenda tose kuMabvuku, makuhwa evanhu vemuno nekuti vakazongoona ndava nevana,” anodaro Elizabeth.

Anoti murume akamupa vana akazongomutiza vari kuHarare apo akazodzoka kumusha kune vabereki kuGoromonzi.

Elizabeth anoti haazive nhamba dzenhare dzemurume akamupa vana uyu kana hama dzake.

Amai vake Irene vanotiwo murume wavo haadanane nemwanasikana uyu.

“Musikana uyu mwana wemunin’ina wangu uyo akafa ari mudiki zvikuru. Ipapa haazive amai vake kunze kwangu. Ndini amai vake chaivo. Amai vake vainzi Silobutshe Zhou,” vanodaro amai vaElizabeth.

Vanoti mwanasikana wavo uyu ane misikanzwa yakanyanya yekuda varume.

“Elizabeth andinetsa pano, handina rugare nenyaya dzekudanana kwake nevarume vevanhu. Hamheno iyo yekudanana nababa vake kuti ine chokwadi chinosvika papi.

“Pekutanga akambonzi abatwa chibharo, iyi yekunzi anodanana nababa izere muno asi ini handisati ndazvibata. Ndave kuronga kumudzosera kumusha kuMberengwa nekuti izvozvi anorwara, akandifira pano ndinoita seiko?

“Izvozvi akabva kukiriniki yekwaChinyika nekurwara sezvo ari kukwatuka makumbo nemaoko,” anodaro Irene.

Vanoti mutoro wacho wavakurira nekuti ivo nemurume wavo vane vana vatanhatu kuchizotiwo Elizabeth nevake vaviri.

“Ndapera rudo nemwana uyu, haandikudze zvekuti tinotukana semadzimai ari pachipari. Kana achidanana nababa vake hamheno, handichada kumubatsira nekuti ndikaramba ndichimuyamura ndinopembedza hunzenza hwake. Mbatya dzine vana vake dzose ndini ndakamupa,” vanodaro amai ava.

Share This:

Sponsored Links