Uncategorized

Baba vokanda Shoko rerudo Kumwana

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Baba vokanda Shoko rerudo Kumwana John Muroiwa

Kwayedza

‘… wakabatana mwanangu’ ‘… zvekare unondiminurira’

Kingstone Mapupu
MURUME anova mutevedzeri wasabhuku kwaMambo Negomo, kuChiweshe, haasi kana kumbonyara kudura kuti akakundwa nemiyedzo zvekusvika pakukanda shoko rerudo kumwanasikana wake uyo akaroorwa achimuti “wakabatana” uye “unondiminurira”.

Nemashoko anobva mukanwa mavo, baba ava vanoti vanoyemura mwanasikana wavo uyu ndokusaka vachimuudza kuti akanaka – uye akabatana zvekubatana zviya.

Kuti zvaanoda zvibudirire, John Muroiwa (49) — uyo anova mutevedzeri waSabhuku Muroiwa — akasvika pakutengera mumvana wake girosari remupunga nebhinzi rekumutsvetsva kudzimara abatikidzwa neveruzhinji vemumusha uyu.

John anonzi akabatwa naWashington Guzha naTrust Muchenje (34) achinopa mwanasikana wake girosari renyengo.

John anonzizve akatora nguva yakareba achiteveredza mwanasikana wemukoma wake uyu kumurume kwaakaroorwa achimukumbira rudo asi achirambwa.

Izvi zvakazoita kuti nemusi wa6 Kukadzi azobatwa achinopa mwanasikana uyu girosari rekuti adiwe.

Munyaya iyi — iyo yava mudare remusha uyu — John anonzi agara achivhevhetedza mwanasikana wake, Faith Mazowe (18), kwenguva yakareba achitsvaga rudo asi achirambwa.

Faith akaroorwa naKudakwashe Kaswemba (25).

Baba uyu anopa zvikonzero zvinomuita kuti “atorwe mwoyo” nemwanasikana wake achiti ndizvo zvinomuita kuti agare achimukanda shoko rerudo.

“Ini hapana zvandingaite, ndaiitirwa masitayera nemwana uyu. Action yake yakandikunda, kureva kuti ndiye anotondinyenga kunyangwe ini zvangu ndakazokanda shoko.

“Ndaigoitawo sei? Ndinomuona akapfeka kamini kanoita sechikabudura akapenda miromo kuita red. Ini ndakabva ndakanda shoko (rerudo) zvangu,” anodaro John achitsigira maitiro ake.

Nyaya iyi ichizeyewa mudare raSabhuku Muroiwa, John — uyo anova muvakidzani nemukuwasha kwakaroorwa Faith — anonzi musi waakazobatikidzwa ainge anyengedzwa naFaith kuti auye kumba kwake vazoita bonde uye akanzi aifanira kuuya negirosari.

Faith Mazowe

Mwanasikana uyu anoti akaronga izvi mushure mekunge anzwa nekunetswa nababa vake ava.

John akabva aenda kumba uku achiita zvekuverevedza uye akatora mukana wekuti mukuwasha wake akange asipo aenda kurufu kuHarare.

Sabhuku Muroiwa, VaTerence Muroiwa (68), avo vanovazve mukoma waJohn, vanotsinhira nyaya iyi.

Faith anoti sezvo baba vake vatora nguva yakareba vachimupfimba, akazivisa murume wake nevamwe vanhu ndokuronga kuti vazovabata apo akazovati vaunze girosari iro vakanga vachigara vachimuvimbisa.

John anonzi akazoronga kuenda negirosari raisanganisira bhinzi nemupunga kumwanasikana wake.

“Baba vangu vakabvira kare vachindipfimba ini ndichivaramba. Vanodarika nepamba pedu, vakawana murume wangu asipo apo vakatanga kuuya nemaranjisi mwana wangu akatanga kuvakumbira.

“Vanotsvaga rudo kwandiri vachiti vanozondipa mari negirosari inova nyaya yandakaudza murume wangu nanatete nedzimwe hama,” anodaro Faith.

Anoti akasvika pakunyebera kubvuma rudo kuna John kuitira kuti abatikidzwe agonyara, pamwe angasiyane nekatsika aka.

Anotizve pekutanga, baba ava vaingogara vachiti vane nyaya hombe yavanoda kumuudza iyo vakazodura pava paya.

“Vanonditi ndakachena uye ndakanaka zvikuru. Vakambonditi vaitonzwa kuda nekungondiona bedzi ndokubva vandikumbira bonde,” mwanasikana uyu anoudza dare rizere vanhu

vemubhuku iri.

Anoti musi waunza baba vake girosari, iye akange audza dzimwe hama ndokufanogarira mumba umo vaifanirwa kuzoonerana apo baba ava vakazoramba kusvika kumba ndokuhwanda muchuru umo mavakazobatwa vakavhumbama vaine bhinzi nemupunga izvo vaida kuzomupa.

“Baba vabatwa, vakaunzwa kumba uko vakavharirwa vachibva vazoedza kupisa bhinzi muchoto ndokusanganisa mupunga wavaiva nawo nehupfu senzira yekuuraya umboo. Izvi ndizvo zvinhu zvavaida kundipa segirosari rekundipfimba,” anodaro Faith.

Paitika izvi, Sabhuku Muroiwa vanonzi vakashevedzwa vakazvionera.

Pakabatwa John neruzhinji, anonzi akabvuma nyaya yekukanda shoko rerudo kumwanasikana wake.

John akazobvumawo kuKwayedza pasina kana nyadzi akati akakundwa nemiyedzo ndokukanda shoko rerudo kuna Faith.

“Hapana zvandaikwanisa kuzviita nekuti ndaiitirwa masitayera nemwana uyu. Action yake yakandikunda ini ndikazokanda shoko.

“Musi uyu (waazobatikidzwa) akauya kwandiri akapfeka kamini kaiita sechikabudura akapenda miromo yake kuita red. Ndaigoitawo sei? Ndakabva ndamukanda shoko (rerudo) zvangu,” anodaro John.

Asi John ari kuramba zvekunzi ainge akahwanda muchuru achida kupa mwanasikana wake girosari rebhinzi nemupunga musi waazobatikidzwa.

“Muchuru umu ndaitora matombo ndichigadzira waya yangu, uyewo ndaiva ndichisungirira mombe yangu pamuti ndisina mupunga kana bhinzi,” anodaro.

Kwayedza yakaratidzwa mupunga wakasanganiswa nehupfu, bhinzi rimwe rakapiswa muchoto nerokwe rinonzi kamini nemurume uyu.

Murume waFaith — Kudakwashe Kasweba — anoti akazongofonerwa ari kuHarare achiudzwa kuti tezvara vake vabatwa vachinokumbira rudo kumudzimai wake.

Vamwe vanhu vakatsinhira nyaya iyi padare vanosanganisira Shadmot Chivero (40), Kesnerry Chinakidzwa Marufu (38), Rosemary Chakuchichi (37), Edward Dahwa (34), Charles Chivero (42) naFreddie Chakuchichi (48).

Sabhuku Muroiwa vanoti pane nyaya dzakawanda dzinosvitswa kwavari pamusoro pemaitiro aJohn.

“John munin’ina wangu. Nyaya iyi yakamhan’arwa kwandiri asi ndinoti iendeswe kune mumwe sabhuku kuti itongwe zvakanaka, kwete ini,” vanodaro sabhuku.

Grace Mukurutangwa (40) anova mudzimai waJohn, anotsinhirawo kuti akazoshevedzwa apo murume wake ainge avharirwa mumba memukuwasha nekuda kwenyaya iyi.

Anoti izvi zvinonyadzisa zvikuru.

Kwakabudawo mashoko anoti murume uyu anodanana nemadzimai evanhu anodarika mashanu mumusha uyu, izvo John anoramba.

Asi murume uyu anobvuma kuti kune mumwe chete waakadana naye ane nyaya yakamboendeswa kudare ramambo weko iye akaripiswa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>