Uncategorized

Baiwai jekiseni: Muporofita

19 Feb, 2021 - 17:02 0 Views
Baiwai jekiseni:  Muporofita Muporofita Jonah

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUMWE mukuru wechechi yeJohane Masowe kuCentenary anoti chirwere cheCovid-19 hachizi chekuita dambe nacho uye veruzhinji vanofanirwa kugamuchira kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri sezvo zvakakosha panyaya yekuchengetedza utano neupenyu hwavo.

Muhurukuro, Muporofita Jonah VaBiggie Makanjera Musanzika, vanoti chirwere ichi chiriko uye vanhu vanofanira kuchitora sedambudziko guru kunyika nepasi rose.

“Kuvako kwechirwere ichi hazvirevi kuti vanhu vakatadzira Mwari zvakanyanya, asi kuti idenda rinouya richipfuura semamwe matenda akambovako kare. Panguva iyoyi dai vanhu vatevedzera zvinodiwa kuti vakwanise kuyambuka,” vanodaro.

Vanoti vanhu vane muonero nepfungwa dzakasiyana maererano nekuuya kwemushonga wekudzivirira chirwere ichi (vaccines).

“Hurumende yakabuda pachena kuti mushonga uyu paunouya unotanga waongororwa nenyanzvi. Chandinoziva ndechekuti hakuna hurumende inoda kuti vanhu vayo vafe nekuti vakafa hurumende inosara ichitungamirira ani? Vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro pemushonga uyu vanofanira kuwana dzidziso yakakwana.

“Vanhu vanofanira kutanga vaona kuti kana mishonga yaongororwa yanzi ishande voishandisa nekuti hunyanzvi hunoshandiswa nemachiremba hunobva kunaMwari nekuti kuita kwavo kwese kunotungamirirwa naiye Musiki. Ndokusaka tichinamata tichiti vanachiremba vawane ruzivo rwekuti mishonga iwanikwe yekupedza matenda anenge anetsa seratinaro pari zvino,” vanodaro.

Muporofita Jonah vanoti vemakereke vanofanira kukurudzira vanamati vavo kuti vatevedzere zvinenge zvataurwa neHurumende.

Vanoti kune vanhu vazhinji vakabaiwa nhomba asi hapana chavakawana uye nanhasi vachiri kurarama nekudaro veruzhinji vanofanirwa kugamuchira kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Muporofita Jonah vanoti zvakakosha kuti vemachechi vabatane neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Zvisinei, kune vamwe vemakereke echipositori vari kurambidza vanamati kupfeka mamasiki ekudzivirira kupararira kweCovid-19 vachiti ngirozi hadzifarire mamasiki.

Share This:

Sponsored Links