Uncategorized

Bakers Inn yanunura mwana murwere

06 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Bakers Inn yanunura mwana murwere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kwaSabhuku Murove, kwaChinhamora, kuDomboshava – uyo akaita mukurumbira nguva yadarika nenyaya yekuti aida kutengesa pamuviri paaiva napo nekuda kwenhamo – zvino ava mudenga rechinonwe zvichitevera kubatsirwa kwaakaitwa zvakare nekambani yeBakers Inn kuti mumwe mwana wake ane chirwere che”hernia” avhiiwe nemachiremba.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa neKwayedza nyaya yedambudziko raNigel Mukusa (12) achitsvaga rubatsiro rwekurapwa gore rapera.
Gore rapera, amai vaNigel, Demetria Mukusa (34), vakabatsirwawo neBakers Inn mushure mekubuda kwenyaya yavo muKwayedza vachiti vaida kutengesa pamuviri pavaiva napo apo vaive vashaya mari yekunonyoresa kuchipatara neyekutenga zvinhu zvegadziriro yemwana aizozvarwa.
Mudzimai uyu akazobara mwana apo akavhiiwa mushure mekubatsirwa nekambani iyi.

Nigel, uyo akanga ava kutadza kuenda kuchikoro nekurwadziwa nemudumbu, akavhiiwa nemumwe chiremba nyanzvi kupera kwemwedzi waZvita gore richangodarika.

Doctor Israel Dube, avo vanova nyanzvi yezvekuvhiiwa kwevana kuchipatara cheSt Anne’s Hospital, muguta reHarare ndivo vakarapa mwana uyu.
Nemusi weChipiri svondo rino, Nigel akadzoka kuchipatara ichi nevabereki vake kuzogezwa ronda nekubviswa mabhandiji apo Kwayedza yakawana mukana wekukurukura naDr Dube.

“Nigel ndakamuvhiya zvakabudirira tikagadzirisa dambudziko rehernia raimunetsa kubva achizvarwa. Mwana uyu anga ava kusvika padanho rekuputudza zvaizokonzera kuwedzera kwedambudziko iri dai zvisina kugadziriswa.

“Ndinotenda kambani yeBakers Inn inova yakaunza mhuri iyi pano uye iri kubhadhara mari dzose dzinodiwa dzekumurapisa,” vanodaro Dr Dube.

Vanoti hernia inobata zvakanyanya vakomana kudarika vasikana nekudaro vanokurudzira vabereki kuona kuti vana vaongororwa chirwere ichi.

“Denda iri rinofanirwa kugadziriswa vana vachangobva mukuberekwa. Asi zvisinei nekuti zvatadza kuonekwa nenguva, zvinoitwa munhu akura sekuita kwatakaita pana Nigel.

“Dambudziko iri rikaregererwa munhu anoguma aita gomarara kana kufa. Varume vakuru vari kuuya nedambudziko iri tichivarapa zvakare,” vanodaro Dr Dube.

Mai Mukusa vanotenda Dr Dube nekambani yeBakers Inn.

“Ndinotenda Bakers Inn nekuramba ichindibatsira. Ini pamuviri pangu ndakabatsirwa nekambani iyoyi kubhadhara chiremba akandivhiya nembatya dzemwana uyewo nezvekudya nezvimwe zvaidiwa. Nhasi mwana wangu, Nigel, uyo aitambura nehernia abatsirwa nekubhadharirwa mari yekuvhiiwa nekambani imwe cheteyo,” vanodaro Mai Mukusa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mwana wangu ari kuenda Grade 7 uye ndinotarisira kuti achabudirira sezvo asisina marwadzo, Bakers Inn yandibvisa mutsekwende ini zvose nemwana wangu.”

Zvisinei, vari kuchema-chema nenyaya yekunetswa kwavari kuramba vachiitwa naSabhuku Murove vachinzi vabhadhare US$300 yekuti vanyorwe mubhuku remusha mavanogara zvisinei nekuti vanotambura.

“Nyaya yandasara nayo inondinetsa ndeye US$300 inodiwa nasabhuku wedu inonzi yekunyorwa mubhuku remusha,” vanodaro Mai Mukusa.

Mai Loreen July – avo vanoona nezvekudyidzana neruzhinji kuBakers Inn – vanoti kambani yavo yakazvipira kudzorera kunharaunda kuburikidza nekubatsira vanotambura.

“Mwana uyu akavhiiwa denda raaiva naro rikapera naDr Dube uye tichaita zvose zviri kudiwa kubvira pamari nezvimwe. Amai vemwana uyu zvakare, Demetria Mukusa, takavabatsira sekambani kuti vavhiiwe pamuviri pavaiva napo uyewo tikavabatsira nembatya nezvekudya nezvimwe,” vanodaro Mai July.

Share This:

Sponsored Links