Batsirai murwere awane US$23k yekunovhiiwa

12 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
Batsirai murwere awane US$23k yekunovhiiwa VaAleck Banda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuZengeza 2, kuChitungwiza, VaAleck Banda (52) – avo vane dambudziko rechinyama chiri kumera nekukura muhuropi hwavo (brain tumour) – vari kutsvaga rubatsiro rwemari inokwana US$23 000 yekuti vanovhiiwa kunyika yeIndia.

Mudzimai wavo, Mai Tarisai Masundire, vanoti VaBanda vakamborapwa kuParirenyatwa Group of Hospitals asi machiremba akazokundikana kuvavhiya mushure mekunge utano hwavo hwaramba huchidzikira.

“Murume wangu akatanga kurwara nebrain tumour mumwedzi waChikumi gore rino izvo zvava kuita kuti agare achitemwa nemusoro uye kuvhiringika pane zvese zvavanoita. Mumusoro mavo muri kuramba muchiungana mvura nokudaro kuchipatara vakaiswa machubhu anokweva mvura mumusoro asi imwe chubhu yetatu haina kuzoiswa sezvo Bp yavo yakanga yava kuramba ichikwira.

“Kutaura kuno, vanoda kubatsirwa mune zvese kubvira pakuendeswa kuchimbuzi, kugezeswa nezvimwe. Machiremba akati kana mukavaona vava kuvhiringika mupfungwa zvinoreva kuti mvura iri kuramba ichiwanda mumusoro zvichikonzerwa nekukura kuri kuita tumour iyoyo, nokudaro yava kuda kubviswa nekukasika,” vanodaro.

Mai Masundire vanoti semhuri vakangogara pamusha nekuda kwehurwere uhwu uye hapana ari kushanda, zvinoita kuti vaite dambudziko guru rekuunganidza mari iri kudiwa nemachiremba.

Mai Tarisai Masundire

“Zvipatara zviri kuIndia zvakati kunodiwa US$23 000 kuti murume wangu avhiiwe ikoko. Saka ndiri kuchema kumhuri yeZimbabwe nevari kunze kuti mupindirewo nekubatsira pamwe murume wangu angabatsirikana nguva ichiripo kanyama kari muhuropi ikako kasati kanyanya kukura,” vanodaro.

Vangada kubatsira VaBanda vanofonera mudzimai wavo panhare dzinoti: +263 783 268 108 kana kuti mukoma wavo Geoffrey Maganira panhare dzinoti: +263 773147992 kana pa: https://gofund.me/3a6482cc

Mashoko aMai Masundire anotsinhirwa nemukoma wemurume wavo, VaGeoffrey Maganira, vachiti: “Machiremba anovimba kuti dambudziko iri rakatanga makore adarika asi risati rava nezviratidzo. Mushure mekuvhiiwa kekutanga pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals vachiedza kubvisa mvura, Bp yake yakabva yakwira achibva atodzoka kumba ava kuwedzera kurwara kusanganisira kusadya zvakanaka nekusaziva zvaanenge achiita. Ndinovimba kuti kana akawaniswa rubatsiro, utano hwake huchadzoka pekare mhuri yake ikazofara mazuva ose.”

Share This:

Sponsored Links