Batsirai mwana (3 months) ane chirwere chemoyo

27 Jul, 2023 - 10:07 0 Views
Batsirai mwana (3 months) ane chirwere chemoyo Mashudu Netsianda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSHANDI wekambani yeZimpapers kubepanhau reChronicle, Mashudu Netsianda, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwana wake, uyo ane mwedzi mitatu yekubarwa, anorapwa chirwere chemoyo kunyika yeIndia.

Mwana uyu akabarwa aine dambudziko rechirwere chemoyo chinodaidzwa kuti Tetralogy of Fallot (TOF), zvinoita kuti moyo ukundikane kufambisa ropa zvakanaka mumuviri uye machiremba anoti kuti pasazoita zvigozhero, anofanira kuvhiiwa asati akwanisa gore rekubarwa (mwedzi gumi nemiviri).

Kuti mwana uyu ange achinobatsirwa kunyika yeIndia, panodiwa US$15 000 yekuvhiiwa kana kuti US$20 000 kusanganisira mari yetiketi rendege nepekugara panguva yekurapwa kwake.

Mwana uyu akabarwa aine dambudziko iri uye vanachiremba vari kuvimbisa kuti rinogadzirisika nekuvhiiwa.

“Mwana wangu akabarwa aine dambudziko remoyo saka machiremba anoti rinogadzirisika kuburikidza nekuvhiiwa. Pari zvino dambudziko iri harisati rava kugona kugadziriswa munyika muno saka ndiri kukumbira rubatsiro rwekuti ndiende naye kunyika yeIndia kunovhiiwa. Tinenge tichitarisirwa kugara kunyika yeIndia kwemasvondo mana zvichienderana nekuti mwana ari kupora zvakadii,” anodaro Nestianda.

Chiremba wekuBulawayo, Dr Davidzo Murigo-Shumba vanova Specialist Paediatric Cardiologist, vanoti dambudziko rine mwana uyu apo aine buri pamoyo nemamwe mapaipi epamoyo ari madiki rinoda kuti anovhiiwa kuIndia uye zvinhu zvinogadzirisika.

“Paoparisheni inoda kuitwa, buri riri pamoyo rinoda kuvharwa zvichabatsira kuti paipi diki iri kutadzisa ropa kufamba inge ichigadzirisika uye zvose izvi zvinofanira kuitwa mwana asati akwanisa gore,” vanodaro.

Vangada kubatsira vanoshandisa nzira dzinotevera:

Banking details:

Mashudu Netsianda

FBC Bank Nostro Account

6020247140714

Branch: Jason Moyo, Bulawayo

RTGS Banking details:

3020247140714

FBC Jason Moyo

Bulawayo.

EcoCash: 0772398585 Mashudu Netsianda

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>