
Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars, Benjani Mwaruwari adzingwa basa nechikwata ichi nhasi zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwachange chichiita mumitambo yacho yeCastle Lager Premiership.
Benjani adzingwa basa mushure mekurairidza chikwata ichi mumitambo 13 iyo akangokwanisa kuhwina mitatu, ndokuita mangange mitanhatu uye kukundwa mina.
Akagadzwa pachigaro chinopisa ichi zvichitevera kudzingwa basa kwainge kwakaitwa Rodwell Dhlakama mwedzi mishoma yadarika.
Zvakawanda zviri kutevera.