Uncategorized

Bhaisikopo remahara!l ‘Chimoko’ chakarohwa chikazviitira

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Gibson Mhaka

PAKAITA bhaisikopo remahara nguva yadarika apo mumwe mukadzi wekuMpopoma, kuBulawayo, akasvikira murume wake achisasana nepfambi mumba mavo iyo inonzi yakarikitwa zvekusvika pakuzviitira tsvina iri pamubhedha payainge yakarara.

Mukadzi anonzi ipfambi uyu anonzi akazomanikidzwa neveruzhinji kuti afambe pajekerere ari musvo.

Tendai Kaocha — uyo anozvishandira achiita zvekuveza — anonzi akafunga kutora shamwarikadzi yekuvaraidzana nayo sezvo mudzimai wake akange asipo uye pari zvino akazvitakura.

Kaocha akazobatwa nemudzimai wake — uyo akanga akashanya kwatete vake ndokudzoka asingatarisirwe nemurume wake — ari mumba neshamwarikadzi iyi.

Mukadzi waKaocha anonzi akakiya gonhi nekunze ndokudaidza vavakidzani vanova vakazoita Kaocha neshamwarikadzi yake kanyama kanyama.

Mumwe wevaiva pachiitiko ichi anoti, “Murume uyu akawana zvaaida nekuti aka hakasi kekutanga achiunza pfambi pamba. Anogara achiunza pfambi pose panoenda mukadzi wake kuminamato yemanheru.”

Vavakidzani vakazonzwawo ruzha apo vaviri ava vairohwa vanoti vakazvionera bhaisikopo remahara.

“Musi uyu Tendai akaunza shamwarikadzi yake mumba make asi akaita rombo rakashata apo mukadzi wake uyo anga ashanyira tete vake akazodzoka panguva yaanga asingafungire. Mukadzi uyu haana kuzvibvuma paakabatira murume wake panzvimbo achisasana nepfambi.

“Nehasha, akakiya dhoo nekunze ndokudaidza vavakidzani avo vakazoita murume wake neshamwarikadzi kanyama kanyama kuvarova. Shamwarikadzi iyi yakazozvibatsira ndokuitira tsvina pamubhedha waTendai nemukadzi wake. Pfambi iyi yakazopotera pachechi iri pedyo nepamba paTendai,” anodaro mumwe wevavakidzani vaKaocha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>