Bhawa rasandurwa kuva kiriniki

02 Aug, 2023 - 15:08 0 Views
Bhawa rasandurwa kuva kiriniki Dandamera Poly-clinic

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSHURE mekunzwa zvinyunyuto zveveruzhinji maringe nekushomeka kwemakiriniki ari pedyo nevanhu, kanzuru yeMazowe Rural District Council yakasandura bhawa reDandamera Beerhall riri muConcession, mudunhu reMashonaland Central, ndokuriita kiriniki yave kurapwa varwere nekusunungukira madzimai akazvitakura.

Kwayedza yakaziva nezveshanduko iyi munguva pfupi yadarika pakushanyirwa kwakaitwa kiriniki iyi yeDamdamera Poly-Clinic nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nevesangano reCordaid vachicherechedza nyaya dzekuchengetedzwa kweutano hwemadzimai akazvitakura uye kurwiswa kwechirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe.

Vagari vemunharaunda iyi vari kutambira danho iri nemufaro mukuru sezvo zviri kubatsira kuderedza huwandu hwevarwere vaienda kunobatsirwa pachipatara chikuru cheConcession District Hospital chinova chiri kure navo zvekare.

Dandemera inzvimbo ine mukurumbira munyaya dzekurima uye zvicherwa.

Vachitaura, Dr Kudzai Chisenwa, avo vanova District Medical Director weMazowe District, vanoti dunhu ravo rine vanhu vakawanda zvekusvika 350 000.

Raive bhawa yava kirikini

“Patakatanga kuwana chirongwa cheResult Based Financing kubva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, World Bank neCordaid, takaumba makomiti ekunzvera chirongwa ichi tichishanda nemakiriniki edu kunova kunotangira kusvika varwere vasati vapfuudzwa kuchipatara chikuru cheConcession. Kana munhu akasvika pachipatara achishaya zvaanoda, hazvina betsero saka chirongwa cheRBF chakavapo mukuvhara mukaha uyu nekuti mishonga yava kuwanikwa muzvipatara uye vamwe vakatocheresa zvibhorani.

“Muno takatovandudza imwe kiriniki yava kutoshanda asi pakutanga raimbova bhawa zvichikonzerwa nemaHealth Centre Committees akauya nezano iri ndokutaura nekanzuru yeMazowe Rural District Council zvikatofamba,” vanodaro.

Dr Chisenwa vanotenda bazi rezveutano nekurerwa kwevana nekuvawanisa varapi uye mishonga.

Kanzura Paradzai Chinyoka vemuWard 15, kuConcession, vanoti vanofara zvikuru nedanho rakaitwa munzvimbo mavo rekuunza utano kuvanhu.

Kanzura Paradzai Chinyoka

“Rino raive bhawa chairo rainwirwa doro vanhu vachiraradza, asi rakazombotora nguva huru risingashandi uye tine mabhawa akawanda muno kudarika zvipatara. Saka takagara pasi nehutungamiriri hwemuno uye vebazi rezveutano tikaona zvakakosha kuti tisandure bhawa iri kuriita kiriniki.

“Vanhu havachadhurirwe pakufamba vachienda kuzvipatara zviri kure nekuti pano pane zvese zvinosanganisira mupanda wemateneti, sikero yevana nekunorapirwa zvirwere. Tiri kutoronga kuvaka dzimba dzevarapi kuti vagarire padyo nepabasa,” vanodaro.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Felistas Murapa (35) anoti anofara nekuti kiriniki iyi iri padyo nedzimba dzevanhu zvinoita kuti zvive nyore kuti vabatsirwe nekukasika, zvikuru madzimai ayo anogona kurwadziwa nenhumbu husiku.

“Kare tichiri kupona neConcession District Hospital, mamwe madzimai aibarira mudzimba kana kuti munzira vachienda kuchipatara ichi sezvo chiri kure. Tinotoda kuti mabhawa akawanda asandurwe kuita makiriniki nekuti anokonzera ruzha munharaunda uye vamwe vanorwisana kana kutaura mashoko akashata pamberi pevana zvinoita kuti varasike gwara,” anodaro.

VaLovemore Dhamhu (45) vanoti mudzimai wavo akatobatsirwa pakiriniki iyi panguva iyo vakanga vasina kana mari yekufambisa nokudaro vanoona kukosha kwekuva nemakiriniki akwanda munharaunda mavo.

Share This:

Sponsored Links