Bhora rine ‘politics’: Samaita

01 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Bhora rine ‘politics’: Samaita Lloyd ‘Samaita’ Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weMWOS FC iyo inotambira muDivision One – Lloyd ‘Samaita’ Mutasa – anoti nhabvu izere ne“politics” uye kune zvimwe zvikwata zvinonetsa kushandira sezvo zvine vanhu vanenge vachipindira mubasa revarairidzi izvo zvinozovatadzisa kushanda vakasununguka.

Pakatanga mwaka wegore rino, Mutasa aishanda kuGreen Fuel FC iyo yaakapinzisa muCastle Lager Premier League asi haana kugara nguva refu sezvo akadzingwa basa angorairidza mutambo mumwe chete uyo wakaona Green Fuel ichikundwa 3-2 neNgezi Platinum Stars kunhandare yeGibbo Stadium kuTriangle.

Panguva yaakabviswa pachigaro chinopisa ichi, Mutasa akanzi apihwa chimwe chigaro kuchikwata ichi chekuve technical director apo basa rekurairidza Green Fuel richibva rapihwa kuna Bekithemba Ndlovu uyo aive mutevedzeri wake.

Zvisinei, Ndlovu haana kuzogarawo nguva refu pachigaro ichi sezvo akadzingawo basa akatsiviwa naRodwell Dhlakama.

Samaita akazosiya chigaro chatechnical director mushure menguva pfupi ndokuenda kumaPunters, sezita remadunhurirwa reMWOS FC, uko akanogadzwa semurairidzi achitsiva Wonder Ngoko uyo akazove mutevedzeri wake. Muhurukuro, Samaita anoti nhabvu izere ne“politics” dzakawanda idzo dzinotadzisa varairidzi kuita basa ravo nemazvo.

“Bhora rizere ne’politics’ dzakawanda nekudhonzera izvo zvinokanganisa basa rinenge richiitwa nevamwe avo vanoshanda nesimba vachida kuunza budiriro kuzvikwata zvavanenge vachishandira.

“Varairidzi vanofanirwa kupihwa nguva yekuita basa ravo voshanda vakasununguka kwete kungopindira-pindira mubasa ravo, hazvidiwe kubhora,” anodaro. Samaita anoti iye zvino zvaave kuMWOS, ane mufaro mukuru nekuti ari kushanda akasununguka uye ari kupihwa nguva yekunyatsoumba chikwata chake icho chiri kurwira kupinda muPSL mwaka unotevera.

“Izvezvi ndiri kushanda ndakasununguka kuchikwata changu chitsva kuMWOS nekuti ndakapihwa nguva yekubika chikwata chiri kurwira kupinda muPSL mwaka unotevera.

“Ndizvo zvinodiwa, murairidzi anofanirwa kushanda
basa rake akasununguka pasina kupindira-pindira nekuita kunge kumudhonzera basa rake paanenge achishanda,” anodaro.

Mwaka wegore radarika apo Samaita airairidza Green Fuel, chikwata ichi akachipinza muPSL panguva iyo chaitamba nhabvu yainwisa mvura uye chainetsa kukunda kuEastern Region.

Samaita mumwe wevaraidzi vane mukurumbira wekupinza zvikwata muPSL izvo zvakamuona achipinza zvimwe zvakadai seEastern Lions neKiglon makore adarika.

Anoti kuMWOS, iyo inotambira kuNgoni Stadium kuNorton, mitambo yaarairidza kusvika pari zvino iri kumurakidza kuti vane mukana wekupinda muPSL mwaka unotevera asi hunge vakaramba vachishanda nesimba pamwe nekuzowedzera vamwe vatambi vekusimbisa chikwata chake.

“Matambiro akataita nezvikwata zvakasiyana zvakaita seNgezi U19 (iyo vakakunda 1-0), Golden Eagles (1-1), Karoi United (iyo vakakunda 3-2) neHarare City (0-0) akatirakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo. Zvikwata izvi zvikuru muligi ratiri uye zvagaramo kwenguva refu saka zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo.

“Tikaramba tichishanda nesimba, tinosvika chete. Tangomirira kuti tisvike panovhurwa mukana wekutenga nekutengesa vatambi pakati pemwaka, totsvaga vamwe vatambi vatinoona kuti vanogona kuuya kuzosimbisa chikwata chedu chigonyatsopedzisa basa kusvika mwaka wapera,” anodaro Samaita.

Share This:

Sponsored Links