Uncategorized

Bhuku rinopa chenjedzo

12 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
Bhuku rinopa chenjedzo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUNYORI wemabhuku nenhetembo – Mai Miriro Juliet Mutasa-Mafumhe – vakabura bhuku idzva ravo rechitanhatu iro rinopenengura kuuya kwakaita denda reCovid-19 pamwe nekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuzvichengetedza kubva kuchirwere ichi.

Bhuku iri rinonzi Iyi Nhovo Haireri uye rinotevera mamwe mabhuku akanyorwa naMai Mutasa-Mafumhe anoti Zuva Igore, Bongozozo Renharembozha, Hazvina Maturo, Inoreva Ndeiri Kuzhe naKuroorwa Kwangu.

Mai Mutasa-Mafumhe vanoti kuuya kwakaita Covid-19 kwakakanganisa zvakanyanya upenyu hweveruzhinji uye mabhizimisi, kusanganisira ivo sevanyori.

Vanoti izvi ndizvo zvakavatuma kunyora bhuku iri iro rine chenjedzo yechirwere ichi kuti vanhu vagoramba vachitevedzera matanho ekuzvichengetedza.

Vanoti zita rekuti Iyi Nhovo Haireri rinofambirana nedenda iri sezvo chirwere ichi chichiuraya nekuchimbidza.

“Muupenyu tinosangana nezvirwere zvakawanda asi Covid-19 haina kumira zvakanaka, chirwere ichi chatigarisa pasi. Covid-19 haireri, ikakubata kana usina kusimba muviri inouraya.

“Denda iri rakasiyana nezvimwe zvirwere zvakaita segomarara neHIV neAIDS. Gomarara neHIV neAIDS unogona kugara nazvo kwenguva refu zviri mumuviri izvo zvakasiyana neCovid-19,” vanodaro.

Mai Mutasa-Mafumhe vanoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachitevedzera matanho aripo ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosanganisira kupfeka mamasiki nenzira kwayo, kushambidza maoko nguva nenguva kuburikidza nekuageza nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye nekusaita chitsokotsoko.

Vanoti mubhuku ravo vanotaura nezvenjodzi yakatarisana nemadzimai nemhuri yekutapurirwa denda iri nanababa apo vanoenda kumashabhini kunenge kuzere vanhu vasina kupfeka mamasiki.

“Tichitarisa kune dzimwe dzimba, madzimai ndiwo ari panjodzi yekuunzirwa zvirwere sezvo pavanenge vakagara kudzimba vanababa vamwe vanoenda kumashabhini kunonwa doro. Kumashabhini ikoko vanenge vasina kupfeka mamasiki uye kuine vanhu vakawanda, ndiko kwavanozobva vava neCovid-19 vosvika vachipa kumhuri dzavo.

“Idzi dzimwe dzenyaya dzandakabata-bata mubhuku iri ndichipa chenjedzo yekuti vanhu vazvichengetedze mudzimba nemhuri dzavo,” vanodaro.

Mai Mutasa-Mafumhe munhu akakurira mumhuri yevanyori sezvo baba vavo – VaNobert Mafumhe-Mutasa – vaive munyori wemabhuku ane mukurumbira avo vakanyora mabhuku akanetsa zvikuru anosanganisira Mapatya, Misodzi, Dikita Neropa, Hondo Huru naDziva Renjuzu.

Vanoti bhuku rakanyorwa nababa vavo rinonzi Mapatya, iro raimbodzidziswa muzvikoro, rakanyorerwa ivo sezvo vakazvarwa vari mapatya naMirirai.

“Zvekunyora mabhuku ndezvemumhuri, baba vangu vaive nyanduri aive nemukurumbira, vakanyora mabhuku akawanda zvikuru. Saka ini ndakazokura ndikatevera matsimba avo.

“Baba vaive munhu aive nerudo, vaibatsira vamwe vanyori vaisimukira nekudaro iniwo ndiri kubatsira vamwe vanyori, vaimbi nevemadhirama vari kusimukira.

“Kunze uko kune vanhu vakawanda vane matarenda asi matarenda avo ari kungofa sezvo vari kushaya vanovabatsira kuti vasimukire,” vanodaro Mai Mutasa-Mafumhe.

Share This:

Sponsored Links